Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Votyisidzira VaShumba, VaMandinde neVamwe Vamiriri veMasangano Akazvimirira Oga


Mamwe masangano akazvimirira oga ari kumusangano weAfrican Commission on Human and People’s Rights kuAccra, Ghana, ave kuramba kupinda mune mimwe misangano achiti ari kutyira hupenyu hwavo mushure mekutyisidzirwa negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

VaChinamasa vanonzi vakati masangano akazvimirira oga aya ari kushanda neMDC, hurumende dzeBritain neAmerica kuda kupidigura hurumende yaVaMugabe. VaChinamsa vakati vachaona zvekuita nemasangano aya. Mutungamiri we Zimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti VaChinamasa vakavadoma nezita apo vakataura nenhepfenyuro yemuGhana, apo vakati hurumende yavo ichatorera vanhu vakaita saivo VaShumba matanhu akaomarara.

Asi VaShumba vanoti havasi kuzoramba vakanyarara kana hurumende ikaramba ichityora kodzero dzevanhu.

Kunyange hazvo mamwe makomishina nemasangano aya vakati VaChinamsa vape chivimbiso chekuti hapana zvinozoitwa kuvanhu vari kumusangano uyu kana vadzokera kumusha, VaChinamasa vanonzi vakaramba vakatsika madziro.

VaChinamasa neSvondo vakapira gwaro remamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu munyika kumusangano weAfrican Commission uyu.

Vakati nyaya yekuti Zimbabwe iri kutyora kodzero dzevanhu, iri kutaurwa neBritain neAmerica, idzo dzisina kufara nenyaya yekutorwa kwemapurazi evachena.

VaWilbert Mandinde vanoona nezvemitemo muMisa-Zimbabwe, uye vari kumusangano uyu, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vari kutyira hupenyu hwavo nemashoko aVaChinamasa aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG