Munyori mukuru muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanoti bato ravo ranyorera tsamba kuna sachigaro weAfrican Commission on Human and People's Rights, VaAlpha Konare, vachivaudza nezve matambudziko akatarisana nebato ravo. VaBiti vanotiwo varuma nzeve mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, nezvekushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzebato ravo.
MDC yakazivisa neChitatu kuti iri kuda kuti AU ne SADC dzizeye zvenyaya yeZimbabwe.
VaMbeki ndivo vakasarudzwa neSADC kuti vave mutongi gava panyaya yeZimbabwe. Dare renhengo dzeparamende dzemu AU, re Pan African Parliament, riri kutarisirawo kuzeya nyaya yeZimbabwe neChishanu kuSouth Africa. Nhengo dzeMDC dzinodarika makumi matatu nembiri dziri muhusungwa pari zvino, uye vazhinji vacho vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa.
Asi Chief Whip veZanu-PF muparamende, VaJoram Gumbo, vaudza bepahau reHerald kuti vachaedza kuti nyaya iyi isataurwe vachiti manyepo kuti muZimbabwe muri kuitwa kafiramberi vanopikisa hurumende yavamugabe.
Muhurukuro yavaita neChina VaTendai Biti vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti kutaurirana kuchanetsa kana hurumende ikaramba ichiita nhengo dzavo kafiramberi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...