Munyori mukuru weSADC VaThomaz Salomao vange vachitarisirwa kusvika muZimbabwe neChitatu kuti vanoona mamiriro akaita zvinhu. Mutauriri weSADC Amai Leefa Martin vanoti VaSalomao vakasimuka kubva muBotswana masikati eChitatu vachienda kuZimbabwe.
Mamwe mashoko anotiwo mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, vachashanyira Zimbabwe kuti vazoita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Asi Amai Martin vaudza Studio 7 kuti havana ruzivo kuti VaMbeki vachaenda riini asi vari kutarisirwa kuenda Svondo rino.
VaMbeki ndivo vakanzi neSADC vaite mutongi gava panyaya yezve matongerwo enyika, nekowo VaSalomao ndivo vachange vachitarisa nyaya yezvehupfumi. Mutauriri waVaMbeki, VaMukoni Ratshitanga, varamba kutaura nezvenyaya iyi.
Vamwe vakuru muhurumende yeSouth Africa vanoti VaMbeki vakanyora tsamba kuna VaMugabe, vatungamiri vezvikwata zviviri zveMDC, VaMorgan Tsvangirai uye VaArthur Mutambara, vachivasuma nezvekuva mutongi gava kwavo. Vanotiwo vari kuda kuti nhaurirano dzipere pasati paitwa sarudzo dzegore rinouya.
Doctor John Makumbe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvinonetsa kuti nhaurirano dziitwe nhengo dzeMDC dzichishungurudzwa.
Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanotiwo mashoko ekuti bato ravo riri kukanda mabhambu ndeenhema, uye akanangana nekusvibisa zita rebato ravo, uye kupa hurumende mukana wekushungurudza nhengo dzavo.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, vakaudza Studio 7 neChipiri kuti MDC ndiyo iri kukanda mabhambu ichitsigirwa neAmerica. Hurumende yeAmerica yakaramba mashoko aVaNdlovu.
VaBiti vaudzawo Blessing Zulu kuti zvinhu zvakaoma kuti vafunge nezvekuita nhaurirano neZanu-PF, uku nhengo dzavo dzakabatirwa makano neZanu-PF.