Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ononoka Kurapisa Vari Kukuvadzwa Vari Muhusungwa

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti richiri kushushikana nenyaya yekuti mapurisa, ari kunonoka kuunza vanhu vanenge vakuvara kuzvipatara kuti varapwe.

Vanhu vanenge vapambwa, pamwe nekurohwa zvakaipisisa nevari kufungidzirwa kuti vasori, mapurisa, kana vechidiki ve ZANU-PF, vari kuramba vakachengetedzwa, zvisineyi kuti vakarohwa zvakaipisisa, uye vachifanirwa kunge vachirapwa.

Sangano ravana chiremba veku South Africa, re South African Medical Association kana kuti SAMA, rashora zvikuru kutyisidzirwa kuri kuitwa vana chiremba vari kurapa vanhu vanenge vakuvadzwa.

Sachigaro vesangano iri, Dr Kgosi Letlape, vanoti munhu wese anenge akuvadzwa nenzira ipi zvayo, ane kodzero yekurapwa zvisineyi nekuti akamira papi, mune zvematongerwo enyika.

Dr Letlape, vakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu, zvichienderana nezvitsidzo zvayakanyorerana pasi nedzimwe nyika, pasi pe United Nations Charter pamwe neUniversal Declaration on Human Rights.

Mutori wenhau we Studio7, Carole Gombakomba aita hurukuro nasachigaro ve Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo kuti tinzwe kuti chii chinozoitika kune vanenge vanonokerwa kurapwa ava.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG