Vatungamiri vechechi yeRoman Catholic munyika, vayambira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vanhu vanogona kuvapandukira kana vakaramba vachidzvinyirira veruzhinji.
Mutsamba yavo isingarume ichifuridzira iyo yakatumirwa kuvatendi vose munyika, vakuru vemachechi ava vanoti vari kunyunyuta nekusungwa, kurohwa uye kuitwa kafiramberi kwevanopikisa hurumende.
Vatungamiri ava vati havasi kufara nekubirwa kwesarudzo uye vakati panofanira kuva nebumbiro remitemo idzva munyika pasati paitwa sarudzo.
Mumashoko avo kuvatendi pazororo reEaster, Pope Benedict XVI vakatiwo Zimbabwe inyika yakatarisana nenguva yakaoma.
Gurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti hurumende haina chairi kutadza, asi kuti veMDC ndivo vari kukonzera mhirizhonga.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muRoman Catholic, Father Oskar Wermter vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti kubva ikozvino havasi kuzofa vakarova imbwa vakaviga mupini panyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende.