Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Hurongwa Hwekuramwa Mabasa Huri Kuenderera Mberi


ZCTU inoti hurongwa hwayo hwekuti vashandi vasaende kubasa kwemazuva maviri kutanga Chipiri, huri kuenderera mberi kunyange hazvo paine vamwe vanhu vari kuedza kuti husabudirire.

ZCTU inoti kune vamwe vemasangano evashandi vari kufambisa mashoko ekuti vashandi vasaramwa mabasa, sezvo paine kutaurirana kuri kuitika pakati pevashandi nevashandirwi.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vanoti hondo yavo iri kuenderera mberi uye vashandi havafanirwi kuteerera vamwe vanhu, kunze kweZCTU.

Masangano akasiya siyana munyika pamwe nesangano revashandi rekuSouth Africa reCOSATU, ari kutsigirawo hurongwa hweZCTU uhu.

VaChibebe vaudza mutori wenhau weStudio 7, Jonga Kandemiiri kuti masangano akawanda ari pasi peSave Zimbabwe Campaign ari kutsigirawo hurongwa uhu uye vati vari kutsigirawo sevashandi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG