Mutungamiri weRoman Catholic muBulawayo, Archbishop Pius Ncube, vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana kuitira kuti vabvise VaMugabe pachigaro.
Archbishop Ncube vatiwo vatungamiri vedzisvondo vanofanirwa kunge vari pamberi mukurwira rusununguko.
Vachitaura vari pamusangano nevatori venhau neChina muHarare, VaNcube vati VaMugabe vari kudzvanyirira vanhu, nokudaro vanofanirwa kubviswa pachigaro. Musangano uyu warongwa nemubatanidzwa wemachechi ari musangano re Christian Alliance.
Musangano uyu wapindwawo nenhengo dze MDC, vamiriri venyika dzekunze, pamwe nevatungamiri vemachechi.
Mutauriri weChristian Alliance, VaPius Wakatama, vati sangano ravo riri kuronga kuratidzira uko kuchaitwa munguva pfupi iri kutevera.
Mutori venhau we Studio 7 Patience Rusere abvunza VaWakatama aita hurukuro naVaWakatama maererano nehurongwa hwavo hwekuratidzira.