Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobvuta Ndokuviga Mutumbi waVaTandare


Mutumbi waVaGift Tandare, nhengo yeMDC yakapfurwa nemapurisa ndokufa svondo rapera, wakabvutwa zvechisimba nenhengo dzesangano revasori, dzeCIO kubva kuDoves Funeral Home, uko kwawanga wakachengeterwa, ndokunouviga neSvondo kumusha kwavo kuMt Darwin, mudunhu rashe Kandeya.

Nhengo dzesangano revasori idzi dzinonzi dzakasvika pamahofisi eDoves mangwanani emusi weMugovera dzichiti dzaida mutumbi waVaTandare.

Zvinonzi vashandi vepamahofisi apa vakamboda kuramba kutambira hurongwa uhu, asi vakazoudzwa kuti VaMugabe pachavo, ndivo vakange vati vaida kuti mutumbi uyu uvigwe nekukasika.

Zvinonzi mutumbi uyu, uyo wainge usati wapera kugadzirwa, wakangotorwa wakadaro.

Bato reMD rakanga rabhadhara kare mari yebhokisi pamwe nemari dzekuti mutumbi waVaTandare ugadzirwe paine tarisiro yekuti vaizovigwa neMuvhuro muHarare.

Asi hurumende, kuburikidza naVaSaviour Kasukuwere, mutewedzeri wegurukota rezvevechidiki, uye vari nhengo yeparamende inomirira Mt Darwin South, yakazotora ndiyo hurongwa uhu yoenda navo kuMt Darwin.

VaKasukuwere vakashandawo semusori kwenguva yakareba. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaKasukuwere panyaya iyi.

Svondo rapera Ishe Kandeya vainzi vaida mombe ina kuti VaTandare vavigwe mudunhu ravo, sezvo vaive veMDC.

VaAlec Muchadehama, gweta riri kumirira MDC munyaya iyi vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vakanga vasingatarisire kuti hurumende ingaita zvinonyadzisa zvakadaro zvekubvuta mutumbi isingatsvagi mhondi dzakaponda VaTandare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG