Accessibility links

Breaking News

Save Zimbabwe Campaign Yoenderera Mberi Nekunamatira Nyika


Save Zimbabwe Campaign inoti ichatanga zvakare svondo rinouya hurongwa hwekuita misangano yekunamatira nyika, kuitira kuti mwari apindire pane zviri kuitika munyika.

Izvi zvabuditswa pamusangano waraita nevatori venhau. Musangano uyu wapindwawo nevamiriri vedzimwe nyika, avo vanga vauya kuzonzwa vanhu vakarohwa nemapurisa vachitaura nhamo yavakaoneswa.

Vanhu vatauara pamusangano uyu vanosanganira Va Tendai Biti, Va Lovemore Madhuku, VaArthur Mutambara , Muzvare Thokozani Khupe, pamwe nemutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo. Va Jonah Gokovah ndivo mutauriri weSave Zimbabwe Campaign, avo vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Patience Rusere kuti VaMutambara vati havasi kuzokwikwidzana naVaTsvangirai kana sarudzo dzemutungamiri wenyika dzoitwa

Dzimwe Nhau DzeStudio7...

XS
SM
MD
LG