Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yezvakabuda Mubvunzo Dze "O" Level  Yozeyiwa Muparamende


Hurumende yati zvakabuda mubvunzo dze”Ordinary Level” dzegore rapera zvinotarisirwa kuburitswa neChishanu, kana kutanga kwesvondo rinouya.

Vachipindura mubvunzo wenhengo yeMDC inomirira Chitungwiza muparamende, VaFidelis Mhashu, gurukota rezvedzidzo VaAenias Chigwedere, vavimbisa kuti zvakabuda mubvunzo idzi zvinenge zvabuda svondo rino risati rapera.

Amai Annah Rusere, vekubazi rezvedzidzo, vaudzawo Studio 7 kuti vakatarisirawo kuti zvakabuda mubvunzo idzi zvinobuda svondo rino kana kutanga kwesvondo rinouya.

Gore rino zvinyorwa zveOrdinary neAdvanced Level zvakanonoka kumakwa sezvo varairidzi vairamba mari shoma yaibhadharwa nebazi redzidzo kuti vaite basa iri.

VaMhashu vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti komiti yavo yedzidzo ichada kuona kuti ZIMSEC yashanda zvine simba kuitira kuti vabereki nevana vechikoro vasanyunyute.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG