Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende muHarare nemuBulawayo, vazobvuma kudzoka pabasa nemusi weChina, kunyange hazvo vasina kuwana mari dzavaida.
Vamwe vamiriri vavana chiremba ava, vakaita musangano neMuvhuro ne Health Services Board, ndokubvumirana kuti pari zvino vana chiremba vachawedzerwa mari yakafanana neyakawedzerwa vamwe vashandi vehurumende.
Asi Health Services Board inoti ichiri kuongorora nyaya iyi. Vana chiremba vakange vachida kupihwa mari inosvika Z$5 million pamwedzi, asi mumwe chiremba ataura neStudio 7, ati vari kutarisira kuwana mari iri pakati pe Z$1, 9 million ne Z$2, 2 million.
Zvinonziwo vana chiremba vavimbiswa Z$30 million dollars yechikwereti chekutenga dzimotokari. Vana chiremba vasingagari pazvitara, vanonzi vachawedzerwawo zvakare mari inosvika Z$100 000 pamwedzi.
Vana chiremba vataura ne Studio 7 vanoti vari kungodzoka zvavo kubasa, nekuti vayaura nenzara, sezvo vamwe vavo vasiri kutambiriswa mari kubva pavakatanga kuramwa basa.
Dr Henry Madzorere ndivo munyori wezve hutano mu MDC inotungamirirwa naVa Tsvangirai. Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro navo kuti tinzwe kuti pfungwa dzavo panyaya iyi.
Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...