Accessibility links

Breaking News

Kuita Misangano Korambidzwa Mudzimwe Nzvimbo muHarare


Mapurisa emuHarare anoti misangano yose uye kuratidzira kunofanira kumbomiswa muMbare District uye Harare South District kwemwedzi mitatu.

Vanotungamira Mbare District Police Chief Superintendent Tsitsi Sadzamari vakaburitsa chiziviso ichi mubepanhau reHerald neChitatu vakati kubva neChipiri kusvika musi wa 20 Chivabvu hapana anotenderwa kuratidzira kana kuita misangano munzvimbo idzi.

Vanoti izvi zviri kukonzerwa nemhirizhonga yakaitika kuKambuzuma nekuHighfield mumazuva mashoma apfuura. Asi mapato maviri eMDC abatana mukushora zvaitwa nemapurisa izvi.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo mumdc inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Muzvare Jessie Majome, vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zvaitwa nemapurisa kutyora mutemo.

Zulu aitawo hurukuro nemutevedzeri wemunyori anoona nezve kuburitswa kwemashoko mu MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, Va Abednico Bhebhe hurumende yaVaMugabe yave kugara yakabatira hana mumaoko.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG