Accessibility links

Breaking News

Poita Mibvunzo Pamaburitsirwo Muhusungwa Evakuru Vemabhizinesi


Mukuru wekambani yeNational Foods, VaIan Kind, uye mukuru weBlue Ribbon, VaMike Manga, vaburitswa muhusungwa vasina kuenda kudare kana mhosva yavapomerwa. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti danho iri ratorwa mushure mekusawirirana mudare remakurukota ehurumende yaVaMugabe panyaya yokuti poitwa seyi nemabhizimisi anonzi ari kudhurisa zvinhu.

Vaviri ava vange vachipomerwa mhosva yekukukwidza mutengo wefurawa. Gurukota rinoona nezvemaindasitiri pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaObert Mpofu, vanoti vanhu vari kudhurisa zvinhu vanofanira kusungwa uye kuvharirwa mabhizimisi avo.

Pakasungwa VaKind pamwe naVaManga neChina, vaviri ava vakarariswa muchitokisi chepa Rhodesville Police Station vakazoburitswa neChishanu vasina kuendeswa kudare. Vaviri ava vaimbenge vabvunzurudzwazve nemapurisa mukutanga kwesvondo rino.

Gavhuna weMashonaland East, VaRay Kaukonde, makurukota ehurumende anosanganiosira VaElliot Manyika uye VaNicholas Goche, varimowo mukambani yeNational Foods kuburikidza nekambani yevatatu ava inonzi Takepart.

Makurukota ehurumende ane mabhizimisi anosanganisira mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, vari kuramba nyaya yekuti mabizimisi avharwe, sekurudziro yaVaMpofu nagavhuna we RBZ, VaGideon Gono, avo vari kuti mitengo yezvinhu isakwidzwe kusvika zvinhu zvanaka munyaya dzezvehupfumi.

Gweta raVaKind naVaManga, VaInnocent Chagonda vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti havachazive kuti nyaya iyi yapera here kana kuti kwete.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG