Accessibility links

Breaking News

Mutambo Wenhabvu Wema Warriors ne Lesotho Hakuchina


Zifa yakundikana kuwana mari yekuti Zimbabwe National Team iende kunotamba nechikwata cheku Lesotho kuMaseru neChitatu. Mumutambo uyu wanga uri we gadziriro yemutambo mukuru we Africa Cup of Nations qualifiers, uyo uchatambwa pakati peZimbabwe neMorroco mwedzi uno uya.

Muzvare Henrietta Rushwaya avo vanoshanda ne Warriors Fund Raising Committee, vaudza Studio Seven kuti ichokwadi kuti mutambo uyu wambomiswa sezvo ZIFA yakanonoka kupa chikumbiro chemari kusangano ravo izvo zvazoita kuti vatadze kutsigira mutambo uyu.

Mune dzimwe nyaya dzemitambo, chikwata chema under 23 chiri kutamba mumutambo wekutanga gore rino, apo Zimbabwe ichasangana ne Cameroon mumutambo we Olympic Games Qualifier kunhandare ye Rufaro Stadium neChitatu.

Mutori hwenhau dze Studio 7, Marvellous Mhlanga-Nyahuye, ataura nemumwe mutambi wechikwata ichi, Costa Nhamoinesu nezve mutambo uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG