Accessibility links

Breaking News

IMF inoti Zimbabwe Ngaichinje Maitiro Ayo Panyaya Yehupfumi

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, havana zvitsva zvavakataura pakuparura hurongwa hwemari zvingaite kuti Zimbabwe ibvisirwe zvirango zvayakatemerwa neIMF.

Executive Board ye IMF iri kusangana kupera kwemwedzi uno kuti ione kuti yoramba yakatemera here Zimbabwe zvirango zvekusavhota nekukwereteswa mari here.

Asi vaongorori veIMF veArticle IV vainge vari munyika mukupera kwegore rapera vanoti RBZ inofanira kumira kupa makambani nehurumende mari dzisiri pabhajeti. Sangano iri rinotiwo nyika inofanira kusatara mitengo yezvinhu uye yemari yekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Robetson, vanoti VaGono havana kugadzirisa nyaya idzi nekudaro havaoni IMF ichidzora moyo.

VaProsper Chitambara nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Research institute vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaGono vari kuita sachiremba akwanisa kuona chirwere asi asingapi murwere mushonga unodiwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG