Accessibility links

Breaking News

Chirwere che Cholera Chonetsa Apo Vana Chiremba Vari Kuramwa Mabasa


Vana chiremba vashoma vanga vasara pamabasa, navana mukoti nhasi vatambira dzimwe mari dzakawedzerwa nehurumende, asi vanoti havana kugutsikana nemari idzi.

Mumwe mukoti wepaHarare hospital, anoti kunyange hazvo vanga vadzokera pabasa, hurumende ikarega kuvapa mari dzayakavavimbisa, vachadzokera zvakare pakuramwa mabasa.

Zvinonzi hurukuro dzichiri kuenderera mberi pakati pevamiriri vavana chiremba vari kuramwa mabasa nebazi rehurumende rinoona nezve hutano.

Mamwe mashoko anotiwo munyika maita dambudziko re cholera, zvikuru kuMabvuku/Tafara, pamwe nekuKariba. Mashoko anoti vanhu vapfumbamwe vabatwa ne chirwere ichi ku Mabvuku neTafara.

Mutori we Nhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVa Itai Rusike, Executive Director ve Community Working Group on Health pamusoro pezviri kuitika munyaya dzezve hutano munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG