Accessibility links

Breaking News

Nhengo Dze MDC Dzirimu America Dzomira mira Nezvematongerwo Enyika


Sachigaro veMDC Ohio branch muno mu America, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munzvimbo iyi, zviri kupa rutsigiro kubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaRuzvidzo vanga vari mumwe weavo vairatidzira muWashington DC, nemusi weChishanu, vachida kuzivisa mutungamiri we America, VaGeorge Bush, pamwe nemumiriri we Zimbabwe muAmerica, VaMachivenyika Mapuranga, kuti havasi kufara nekutyorwa kuru kuitwa kodzero dzevanhu nehurumende yaVaMugabe.

Kune vamwe vanoti kubva pakapesana vakuru ve MDC, bato iri harichisiri kurwira kodzero dzevanhu.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaRuzvidzo avo vanopokana nepfungwa idzi.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG