Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Vanoti Havasi Kuzodzokera Shure Kunyange Hazvo Vavengi Vavo Vaida Kuvapisira Mumba


Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti havasi kuzodzokera shure muchimurenga chekurwira hutongo hwegutsa ruzhinji, uye kuitira kuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva. VaMadhuku vanoti vachaita izvi kunyangwe hazvo vaida kupisirwa mumba, umo mavainge vari navana vavo vatatu, mudzimai uye dzimwe hama shanu. VaMadhuku vanoti aya mabasa sangano revasori veCIO, ekuedza kuvatyisidzira

Zvinonzi pane vanhu vakaenda kumba kwaVaMadhuku kuWaterfalls muHarare neSvondo mambakwedza, vakadira peturu ndokutungidza moto. Asi VaMadhuku nemhuri yavo vakakurumidza kuputsa mahwindo ndokubuda panze kunodzima moto usati wakuvadza vanhu kana kuparadza midziyo yavo.

Vanoti imwe peturu yakadirwa panze pegaraji ravo paine fungidziro yekuti motokari dzavo mbiri dzepeturu dzibatire moto dzoputika. Vanoti vakanonga zvigubhu zvepeturu panze.

Mutauriri wemapurisa, Chief Inspector Andrew Phiri, vaudza bepanhau reHerald kuti vachiri kuferefeta nyaya iyi uye hapana ati asungwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti chiitiko ichi chinodzirangarisa kuurayiwa nepeturo kwaMuzvare Talent Mabika, pamwe naVaTichaona Chiminya, vatsigiri veMDC, avo vakaurayiwa muna2000. Vaviri ava vanonzi vakaurayiwa naJoseph Mwale, uyo anoshandira sangano revasori reCIO, uye Tom Kainos Kitsiyatota, uyo aimbove murwiri werusununguko. Kunyangwe hazvo dare reHigh Court nehofisi yemuchuchu mukuru vakati Mwale naKitsiyatota vasungwe, uye kumiswa pamberi pedare, hapana kana chavati vamboitwa kusvika pari zvino. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rema CIO panyaya iyi.

Dr Madhuku vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti havasi kuzobva pamba pavari kugara nyangwe zvikatsvuka ropa sei.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG