Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 11, 2020.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende, ichishanda pamwe chete nebhanga guru renyika, inoti iri kutora matanho achaita kuti mari yemuZimbabwe isarambe ichishaya simba zvakanyanya sezviri kuitika pari zvino.

Sangano reGlobal Fund rinobatsira Zimbabwe nemari inoita mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora ekuAmerica kuitira kuti mari iyi ishandiswe mukurwisa Coronavirus.

Zvimwe zvipatara zvemuZimbabwe zvoramba kutambira vanhu vanofungidzirwa kuti vane Coronavirus zvichiti hazvina zvikwanisiro zvekuti zvichabatsire vanhu vanenge vaine Coronavirus.

Chirwere cheCoronavirus, icho chauraya vanhu vanodarika zviuru zvina pasi rose, izvo zvava kuunza kutya kukuru kunyika dzakabudirira seAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko reCoronavirus iro ravhiringa pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG