Accessibility links

Breaking News

America Yoenderera Mberi neKusunga neKuburitsa muNyika Vasina Magwaro


Nhengo dzeICE dzodzosera vabvakure vasina magwaro ekugara munyika yeAmerica kumisha dzavo.
Nhengo dzeICE dzodzosera vabvakure vasina magwaro ekugara munyika yeAmerica kumisha dzavo.

Mutauriri wemuzinda weWhite House Muzvare Karoline Leavitt vazivisa vatori venhau kuti vanhu vose vari muAmerica vasina magwaro vachabatwa sembavha vomanikidzwa kudzokera kunyika dzavakabva.

Vanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika veImmigration and Customs Enforcement kana kuti ICE vari mushishi kusunga vanhu vasina magwaro mumaguta ose kusanganisira New York, Texas, Washington DC nemamwe.

Chirongwa ichi chiri kuenderana nehwaro wemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakavimbisa kuti vaizo dzosera vese vasina magwaro ekugara munyika iyi kumisha dzavo.

Mutungamiri wesangano reAll Hands on Justice uye vari gweta, Advocate Kennedy Masiye vanoti zviri kuitwa naVaTrump zvinhu zvavakavimbisa vatsigiri vavo kuti vachaita mushure mekupinda pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG