VaJimmy Carter, mutungamiri weAmerica wechimakumi matatu nepfumbamwe, vakashaya musi waZvita 29, 2024 vari kumba kwavo kuPlains, kuGeorgia, vava nemakore zana. Vakatevera mudzimai wavo wemakore makumi manomwe nemanomwe, Amai Rosalyn, avo vakashaya muna 2023.
Basa raVaCarter mukushandira hurumende rakatanga muna 1943 semuuto wemumvura vari kuUnited States Naval Academy. Vakazoshanda mungarava dzese dzeAtlantic nePacific vasati vasarudzwa kuti vapinde muchirongwa chepamusorosoro chekushandisa zvombo zve nuclear vari muchikepe chinoshanda chiri pasi pemvura kana kuti submarine.
Mugari wekuGeorgia uye vari nhengo yeDemocratic Party, VaCarter vakasarudzwa kuva gavhuna vedunhu ravo muna 1970. Vakaenderera mberi nekukwikwidza nekukunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 1976, vachikunda vaive mutungamiri wenyika VaGerald Ford veRepublican Party.
VaCarter vakashanda temu imwe chete vasati vakundwa musarudzo yavaitsvaga kusarudzwa zvakare muna 1980 naVaRonald Reagan, zvichinyanya kukonzerwa nekukundikana kwavo kuita kuti zvizvarwa zveAmerica makumi mashanu nezviviri zvakanga zvakatapwa nevechi Islam vemu Iran.
Chikuru chakaitika munguva yehutungamiriri hwavo kwaive kunyoreranwa kwechibvumirano cherunyararo che 1978 Camp David Accords, icho chavakabatsira kuyananisa pakati peIsrael neEgypt. Chibvumirano ichi chakaita kuti mutungamiri weEgypt VaAnwar Sadat uye mutungamiriri wehurumende ye Israel VaMenachem Begin vawane mubairo weNobel Peace Prize muna 1978.
Vave nemakore makumi mashanu nematanhatu chete pavakasiya hofisi yemutungamiri wenyika yeOval Office, VaCarter vakazopedza makore makumi mana aitevera vachiita basa rekubatsira vanhu iro ravakawana naro ruremekedzo rwepasi rose.
Kwemakore, ivo naAmai Roslynn vaikwanisa kuwanikwa vachizvipira nguva yavo kuvaka dzimba dzevanotambura nesangano risingaiti zvemari reHabitat for Humanity. Mukristu akazvipira, weupenyu hwese, VaCarter vakadzidzisawo nokutendeka vana vekereke nemusi Svondo wega wega, kana kuti Sunday school, kwemakore akawanda pachechi yavo yavaipinda yekwavaigara kuPlains.
Pasi rose, VaCarter vakacherechedzwa mushure mekuve mutungamiri wenyika kwavo nekusimudzira zvisungo zverunyararo kunenge kuine makakava nekuendesa mberi hutongo hwejekerere nekodzero dzevanhu, zvikurukuru kuburikidza nesangano reCarter Center, iro ravakavamba ivo nevaimbove mudzimai wemutungamiri wenyika vari mudzimai wavo pavaive paEmory University kuAtlanta muna 1982.
VaCarter vakapiwa mubairo weNobel Peace Prize muna 2002, nekuda kwekuedza kwavo kusimudzira nyaya dzekodzero devanhu nerunyararo munyika dzakaita seEthiopia, Eritrea, neHaiti.
Mutungamiri wenyika, VaJoe Biden vakarumbidza VaCarter vachivati vaiita "semurume ane hunhu hukuru uye hushingi, uye tariro. Netsitsi dzavo nekumira muchokwadi, vakashanda kupedza zvirwere, kuumba runyararo, kusimudzira kodzero dzevanhu, kukurudzira sarudzo dzakasununguka uye dzakachena, kugadzirira misha kune vasina pekugara, uye kugara vachirwira vanoshaya pakati pedu. Vakaponesa, vakasimudzira, uye vakachinja hupenyu hwevanhu pasi rese.”
Mushamarari: Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica andakuverengerai.
Forum