Accessibility links

Breaking News

Nyika dzemuAfrica Dzokurudzirwa Kuti Dzigadzirise Nyaya dzeHuwori neHutongo hweJekerere


Vakamirira kutoreswa mhiko semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.
Vakamirira kutoreswa mhiko semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose uye vachidzidzisa paDeVry Univeristy kuOhio muAmerica Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti havaone vakamirira kutoreswa mhiko yekuve mutungamiri weAmerica VaDonald Trump vachishandura mamiriro akaita hukama hweAmerica nedunhu reAfrica pari zvino.

Asi Muzvinafundo Masocha vanoti hukama uhu hunogona kuzoshanduka kana nyika dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, dzakasagadzirisa nyaya dzehuwori, sarudzo dzakachena pamwe nehutongi hwejekerere, sezvakagara zvichikurudzirwa neAmerica.

"Zvakakosha kuti nyika dzemu Africa neZimbabwe dzigadzirise zviga zvadzakatemerwa zvinosanganisira nyaya yehuwori nekuita sarudzo dzakachena uye nekuremekedza kodzero dzevanhu kuitira kuti VaTrump vacheukewo nyika idzi pavachatora matomhu gore rinouya." Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG