Mashoko anoteveraanoratidza maonero ehurumende yeAmerica.
Dambudziko rekusagadzikana riri kuenderera mberi muHaiti. Ndege dzinobva kuAmerica dzichienda kuHaiti dzamborambidzwa kwemwedzi neFederal Aviation Authoirty, mushure mekunge dzapfurwa apo dzaiedza kumhara muPort-au-Prince.
Nekuda kwekupfurwa uku, nhandare yendege yakambovharwa kusvika musi wa 18 Mbudzi, izvo zvakanonotsa kusvitswa kwerubatsiro pamwe nevashandi izvo zviri kudiwa zvakanyanya munyika iyi.
Zvichakadaro, mamiriro ezvematongerwo enyika achakaita manyama amire nerongo.
Musi waMbudzi 10, hurumende iri kufanobata basa muHiati yeTransitional Presidential Council, TPC, yakasaina mutemo unobvisa vaive vakafanobata chigaro chemutungamiri wehurumende, VaGarry Conille muhofisi.
TPC yakaumbwa muna Kubvumbi kuti itungamire Haiti kuenda kuhutongi hwejekerere nesarudzo itsva. TPC yakatsiva VaConille, avo vanga vashanda kwemwedzi mitanhatu, ichiisa VaAlix Didier Fils-Aime, vaimbove mutungamiri weChamber of Commerce and Industry muHaiti.
Mumashoko avo, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMatthew Miller, vakatenda vaimbove mutungamiri wehurumende ava “nekushandira nyika yavo zvinonwisa mvura.”
“America inocherechedza kuti Transitional Presidential Council yemuHaiti nemutungamiri wehurumende VaGarry Conille vakatadza kuenda mberi nenzira inovaka, nekudaro inotambira danho reTPC rekudoma vanotora chinzvimbo chavo. America inotarisira kushanda zvakanaka nemutungamiri wehurumende achangobva kudomwaVaAlix Didier Fils-Aime neTPC mukuendesa mberi budiriro pamberi pezvimwe zviri kuda kutariswa nekukasika mumwedzi iri kuuya,” VaMiller vakadaro.
VaMiller vakatambira kuzvipira kweTPC nemutungamiri wehurumende mutsva “nehwaro hwekushanda pamwe hunoburitsa pachena hurongwa hunoendesa mberi kuchengetedzeka nehutongo, nekugadzira nzira yekusarudzo dzakasununguka uye dzakachena.”
Haiti yave nemakore akawanda iri mudambudziko remhirizhonga yezvikwata iyo iri kuenderera mberi.
Muna Gunyana 2024, United Nations Security Council yakamutsiridza chikwata chiri kutungamirwa neKenya cheMultimational Security Support (MSS) muHaiti kwemwedzi gumi nemiviri kuti chibatsire mapurisa eHaiti kupedza kusateverwa kwemutemo.
Mutevedzeri mukuru wemutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaVedant Patel, vakati America yakanangana nekugadzirisa matambudziko ari muHaiti.
“Chikwata cheMSS chiri kuramba chichibudirira muhurongwa hwacho, chichitarisisa kushandidzana neHaiti National Police. Tine hurongwa hwekupa mari nerubatsiro zvinoda kusvika ku$628 million yekutsigira chikwata cheMSS. Izvi zvinenge zvichisanganisira motokari dzakadzivirirwa, zvihovhahovha, magogorosi ekueonesa usiku, nemadhuroni,” vakadaro VaVedant.
Vakati vanotarisira kushanda nemutungamiri wehurumende mutsva, vachiti zvakakosha zvinodiwa nevanhu vemuHaiti zvinoda kuti hurumende yakafanobata matomu itungamidze mberi hutongo hwejekerere nezvinodiwa mune zvematongerwo enyika, uye "ticharamba tiri mazviri zvakanyanya."
Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica pane zviri kuitika muHaiti.
Forum