Accessibility links

Breaking News

Vechidiki 'veGen Z' Vanonzi Vanogona Kuva Ivo Vachapa Kuti VaTrump Kana Amai Harris Vakunde Musarudzo


Next Gen Voters
Next Gen Voters

Vechidiki vemuAmerica vari kuvhota musarudzo yemutungamiri wenyika musi wa 5 kekutanga kana kechitatu musi wa 5 Mbudzi vanonzi Gen Z. Ava ndevechidiki vari pakati pemakore gumi nemasere nemakore makumi maviri nemanomwe.

Kubva mukudzidzira kuvhota kekutanga, kutsvaga mavhoti vachigogodza pamisiwo, vakawanda vavo vari kutambira kodzero yekuvhota..

Vana vepachikoro cheMontgomery College kuRockville, Maryland avo vakaita hurongwa hwekudzidzira kuvhota vakadaidzawo vanovhotesa vanhu kuti vavadzidzise. Iyi inzira yekuti vadzidzi vagadzirire kuvhota svondo rinouya musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mumwe akaronga hurongwa uhu ndiBritney Green uyo anoti, Hurongwa hwanhasi hwange huri hwekudzidzisa vanhu kuvhota uye kuti vaone nzvimbo dzavanovhotera nezvavachasangana nazvo pavachanovhota.”

Mumwe weechidiki aidzidzira kuvhota ndi Akhyan Damang akatenda zvikuru nezvakaitwa achiti, “Ndoda kuti ndione kuti zvinofamba sei chaizvo pakuvhota kekutanga.” Atiwo, “Ndekekutanga ndichivhotera mutungamiri wenyika, uye ndoda kuona kuti zvinofamba sei.”

Vechidiki ava vanoti vari kutarisa zvakawanda musarudzo iyi. Nnamdi Ifejuka anoti, “Nyaya dzezvemari, nechikwereti chenyika.” Atizve, “Handinyatsozvinzwisise hangu, asi semaonero angu imari yakawanda. Handinziwe kuti sei chikwereti ichi chakakura kudaro."

Libby McClayton mumwe akaronga hurongwa hwekuvhota uhu anoti, Ndinoona sekuti nyaya dzavari kukoshesa inyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze uye kodzero dzemadzimai panyaya yemiviri yavo

Mhambi Musonda mumwe mudzidzi anoita zvematongerwo enyika anoti, “Ndinofunga kune vanhu vakawanda pasi rose, zvinoitwa neAmerica zvakakosha kunyanya kune vechidiki.”

Musarudzo yemutungamiri wenyika pakati pevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump veRepublican Party naAmai Kamala Harris veDemocratic Party, vadzidzi vakawanda havana kuda kutaura kuti vachavhotera ani.

Asi dunhu reMaryland rine vebato remaDemocrats vakawanda, Amai Harris vari kutarisirwa kukunda. Takabvunza sachigaro weGeorgia Young Republicans, Jacquelyn Harn nezvakakosha kune vechidiki mubato rake. Anoti kune vakawanda inyaya dzezvehupfumi.

Ati, Nyaya dzakaita sekudhura kwedzimba, kukwira kwemitengo yezvinhu, mafuta ekufambisa dzimotokari zvinopa kuti kurarama kuome uye kutanga mhuri ikozvino kunetse.”

Ko Vanotsvaga rutsigiro vanokwanisa sei kukwezva vechidiki ava?

Anotiwo, “Haukwanise kusvika kune vechidiki veGen Z ava uchishandisa nhare nekuti vanogona kusadavira kana vasingazive arfi kufona.” Aenderera mberi achiti, “Vechidiki vanoda zvemadandemutande. Vanowana nhau ipapo.”

Mumwe anotsigira Democratic Party achiita zvemadandemutande Harry Sisson anoti, Vechidiki vakawanda vari paTikTok. Ndopandinofairawo ini. Ndinofunga zvinodaro nekuti zviripo zviri nyore kutevera. Nhau dzaunoona ipfupi pfupi kazhinji dziri pasi pemineti imwe chete.”

Zvichakadaro kuHerndon, Virginia, mutsigiri waAmai Kamala Harris, ari mumwe mutungamiri weFairfax Young Democrats, Camila Alfonzo Meza ari kuenda pamba nepamba achigogodza achikukurudzira vanhu kuti vavhote. Asi dzimwe nguva havavhure mikovaachiti hake haarase tariro. Anoti kusakwikwidza kwemutungamiri wenyika VaJoe Biden vachisiira Amai Harris kwakabatsira zvikuru kuti vechidiki vaite chidokwa dokwa chekuda kuvhota.

Anoti, “Ndiri kuona vechidiki vakawanda vakabva vanzwa simba rekuda kuvhota kubva mutevedzeri wemutungamiri wenyika zvaakasarudzwa kuti akwikwidze musarudzo iyi.”

Meza anofunga kuti nemavhoti mamiriyoni makumi mana vechidiki veGen Z vakakosha zvikuru pakuti ndiyani achakunda musarudzo iyi.

Nyaya iyi yatumirwa naLaurel Bowman weVOA, Maiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG