Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yeHupenyu hwaVaTim Walz, Avo Vakasarudzwa naAmai Harris seMutevedzeri Wavo muSarudzo yeMutungamiri weNyika muAmerica


VaTim Walz.
VaTim Walz.

VaTim Walz vakasarudzwa kwematemu maviri sagavhuna vedunhu riri nechapakati pakadziwa kumadokero kweAmerica reMinnesota vasati vasarudzwa naAmai Kamala Harris kuti vave mutevedzeri vavo.

Murwendo rwavo rwekutsvaga rutsigiro, vanotaura nezvemazuva avo ekutanga kuNebraska nekuti zvakavaumba sei semunhu, mukwikwidzi nagavhuna kusvika pavave nhasi.

Mutori wenhau weVOA Natasha Mozgovaya akashanyira dunhu iri kunodzidza zvizhinji pamusoro pekuti vanhu veNebraska vanovarangarira nekuvanzwira sei iye zvino.

Mutevedzeri wevari kumirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika VaTim Walz vakapedza chikamu chekutanga chehupenyu hwavo kumaruwa iwaya eNebraska, anove maawa angangosvika mashanu ekutyaira kana uchibva panhadhare yendege huru iri pedyo.

Ikoko, zvinonyanya kuonekwa matura echibage.

Vamwe vanhu ikoko vanoona zvimwe zvikamu zvavo mune vari kumira semutevedzeri wevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ava.

Amai Becky Potmesil murimi anochengeta mombe pedyo neAlliance, muNebraska.

“Kana ndakamuona paterevhizheni, haandirangaridzi munhu wezvematongerwo enyika. Anondirangaridza zvinogona kunge zvakaita mudzidzisi wangu wandinodisisa kuchikoro, nekuti munhu aitira zvakawanda kunharaunda yake nevana vake vechikoro. Uye ane hunhu hwepamusoro nehunhu hwakanaka hunoremekedzeka,” Amai Potmesil vanodaro.

VaWalz vakazvarirwa kuWest Point, muNebraska, vakapedza nguva yehudiki hwavo vari kuValentine, nzvimbo ine vanhu vangangosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu, 2,600, isingazivikanwe zvakanyanya nezvevanhu vayo vari mune zvematongerwo enyika vepamusorosoro.

VaTom Elliot vanove mugari wemu Valentine vaiziva mhuri yekwa Walz.

“Takatevera nhoroondo yaTim mubasa rake, ndinofunga tiri kachinhambwe. Iyi nhanho iyi yaasvika iyi hatina kumbobvira taiona ichiuya!”

Apo VaWalz vaive vachiyaruka, kubatwa kwababa nechirwere chegomarara kwakakonzera kuti vatame vachienda makiromita zana nemakumi matanhatu (160) kumaodzanyemba, pedyo nevehukama.

VaWalz vanotsanangura makuriro avo vachiti, “Ndakakurira kuButte, Nebraska, dhorobha revanhu mazana mana (400). Taive tiri makumi maviri nevana (24) mukirasi mangu kusekendari.”

Nhengo dzemhuri yaVaWalz dzichiri kugara munzvimbo iyi. Sekuru vavo, vanove murimi ave pamudyandigere, VaJerome Reiman, vanoti vanoronga kuvhotera muzukuru wavo asi vachiwedzera vachiti mwana wemukadhorobha kadiki wavanorangarira akanyanya kuve netsiye nyoro pakutarisana nezvimhingamipinyi zvepasi rino.

“Aingovewo mwana ari pakati nepakati, ndinoreva kuti aive mwana akanaka. Aida mitambo. Asi handioni Tim achizomisidzana naPutin. Zvinondishusha,” VaReiman vanodaro.

Vachikura kumaruwa eMidwest, VaWalz vakave munhu aifarira zvikuru kuraura nekuvhima, vasinganyare nerudo rwavo rwepfuti.

Nguwani yaVaWalz yeruvara rwechiuto yaive yakanyorwa mashoko anotsigira Democratic Party ekuti “dirt Democrats.”

Amai Barbara Critchett vakagadzira nhumbi dzinofambidzana naMai Harris naVaWalz dzine ruvara rwechiuto, dzavo nedzemwanakomana wavo Kendall.

“Mbatya dzine ruvara rwechiuto, nekuvhima zvinomirira Nebraska, ndinofunga kudaro. Uye tiri kungozvidzosa kwenguva ino yesarudzo,” Amai Critchett vanodaro.

Vachitevera mutsoka dzababa vavo, vaimbove murwiri weKorea, VaWalz vakapinda muchiuto kuNational Gurad vaine makore gumi nemanomwe, 17, vakashanda kwemakore makumi maviri nemana (24).

Asi mune vamwe vavhoti vekumaruwa, kushanda kwaVaWalz muchiuto uye nhoroondo yavo yekuve nepfuti hazvirevi kuti vanogoverana kukosha kumwechete ko.

Mugari wemu Valentine VaStephen Hale vanofunga kuti VaWalz “vakawandira kuruboshwe.”

Vanoti, “Kwete, haasi pedyo. Ari kunyepa nepasaka remazino. Ndiyo kodzero inopiwa nekuvandudzwa kwemutemo kwepiri kana kuti Second Amendment – Handisi kumutorera pfuti yake sezvavari kuedza kuita kwatiri!”

VaWalz vanotsigira kodzero yeubvisa pamuviri, izvo zvinoita kuti vapesane nevakawanda vanoda kuchentedza tsika dzavo mu Nebraska, uko mamwe makereke anoita minamato yekurangarira vana vasati vazvarwa, uye nharaunda yakazara nemagwaro anopikisana nekubviswa kwepamuviri.

VaMichael Wartman, mugari wemu West Point.

“Chakanyanya kukosha kwandiri chagara chiri chekuchengetedza hupenyu. Ani zvake anotsigira hupenyu ndiye wandichavhotera. Haawane vhoti yangu,” VaWartman vanopika vachidaro.

VaWalz vakawana dhigirii ravo redzidzo kubva paChadron State College, mudhorobha rinoratidza kuti vaimbove mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanenge vanofarirwa. Mumazuva mashoma adarika vakuru vechikoro vakabvisa mureza wavo wekutsvaga rutsigiro mushure mekunge mumwe munhu ausimudza pedyo nemureza weAmerica.

Mugari wemu VaChadron Miles Bannan vanoti midzi yaVaTim Walz mumusha umu hairevi kuti inoshanduka kuve rutsigiro. VaChadron vanoti,

“Kune mhuri dzakawanda dzisingataure zvematongerwo enyika zvakanyanya nekuda kwekuti kune kusawirirana kwakanyanya, unoziva. Uye ndinofunga kuti kune vanhu vakawanda vanonyaradzwa navo, asi zvinogona kusashandura mavhotero avo.”

Vamwe pano vanoti VaWalz vari kupa ruwa rweNebraska maminitsi gumi nemashanu embiri. Asi mudunhu remuAmerica rine vanochengetedza magariro netsika, zvekuti tinogarisana hazvivimbisi mavhoti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yandakuverengerai yabva kune mutori wenhau weVOA News Natasha Mozgovaya ari kumaruwa eNebraska.

Forum

XS
SM
MD
LG