Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokumbira Madzishe Kuti Vatange Kuvapawo Chikafu


Vamwe vakarema munyika vari kukurudzira madzishe nemasabhuku kuti vasavakanganwe panenge pave kugoverwa chikafu chiri kuendeswa nehurumende nemasangano akazvimirira kuZunde raMambo.

Chikafu chakatanga kupihwa madzishe nehurumende svondo rapera senzira yekurwisa nzara yapfunya chisero munyika.

Mamwe madzishe muMasvingo , Shurugwi pamwe nedzimwe nzvimbo munyika yose vakatanga kupihwa matani makumi matatu nemashanu echibage ekugovera vanhu munharaunda mavo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevakaremara reNational Disability Association, VaTongai Marufu, vakurudzira madzishe kuti vavakoshewo sezvinoitwa nherera, shirikadzi nevakwegura pakutanga kugoverwa chikafu ichi.

“Isu tinokurudzira kuti madzishe vatione sevanhu, vatangewo nesu nekuti tino tambura” Vanodaro VaMarufu.

Vamwewo vakaita saMuzvare Irine Jiri avo vakaremara gumbo vachifamba nemadondoro vanoti mumakore adarika, vaisiiwa muzvirongwa zvekugoverwa kwechikafu.

“Nguva zhinji taisisiwa nekudaro tinoti iyezvino vatange nesu nekuti hatigoni kushanda sevasina kuremara,”

Vakaremara vanoti vazhinji vavo havakwanisi kuzvishandira kuti vawane raramo nekudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvekudya.

Ishe Magudu, VaCover Mugwadi avo vasingaoni vanoti havasarure vakaremara vachiti vanototanga kuvapa chikafu pamwe nenherera nevakwegura.

“Pachirongwa chatangwa nemutungamiriri wenyika, isu tiri kutanga nevakaremara tisati taenda kune vamwe vanotambura,” Vanodaro Mambo Magudu.

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera vekuHurungwe vanoti basa rechikafu ichi kubatsi ra vanhu kunyanya vanotambura nekudaro vakaremara havasarudzwi.

Apowo Sabhuku Mukuvapasi vekwaGutu vanoti basa ravo harisi rekusarudza vanhu asi kubatsira munhu wese kusanganisira avo vanotambura.

“Isu hatisrudzi vakaremra saka tinobatsiura vese vanota,mbura pachairongwa ichi,”

Munyori mukuru muhofisi yegurukota reMasvingo, Doctor Admore Pazvakavambwa vanoti chirongwa chehurumende ichi chakatanga muMasvingo uye pane mutemo wenyika unoti pasawane anosiwa kana kusarudzwa .

“ichokwadi hurumende yakatotanga kupa vanhu chikafu ichishanda nemadzishe mumatunhu eMasvingo nekudaro vakakodzera vanowana pasina kusarurwa,” Doctor Pazvakavambawa vakadaro.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemagariro evanhu VaJuly Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Vanhu vanopfuura mamirioni mapfumbamwe vanoda rubatsiro rwechikafu gore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG