Accessibility links

Breaking News

Unicerf Yotsvaga Mari Inosvika US$84, 9 Million Kubatsira Vana neMadzimai muZimbabwe Vatarisana neNzara


Sangano reUnicerf riri kukumbira mari inodarika mamiriyoni makumI masere nemakumi masere nezviuru zvisere kana kuti US$84, 9 million kubatsira nechimbi chimbi vana nemadzimai vakatarisana nenzara yakonzerwa nedambudiko rekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino muZimbabwe.

Unicerf inoti mari iyi ichabatsira vanhu vanodarika miriyoni imwe chete kana kuti 1,34 million kusanganisira vana zviuru mazana masere nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 866, 000.

Mumashoko kuvatori venhau, mumiriri weUnicerf muZimbabwe Doctor Nicholas Alipui vanoti munyika mave nedambudziko remvura, kudya kusingavake muviri zvopa kuti patyirwe kuti vana vanogona kutarisana nedambudziko rezvirwere zvemanyoka nekwashi.

Unicerf inoti iri kutarisira kuti kusvika gore rinouya, dambudziko iri rinenge richienderera mberi.

Ckikumbiro cheUnicerf chaendeswa kumasangano akazvimirira nenyika dzekunze.

Forum

XS
SM
MD
LG