Accessibility links

Breaking News

Nigeria Yotanga Kutonga Vanhu Vakapara Mhosva dzine Chekuita neSarudzo


Sarudzo dzemuNigeria.
Sarudzo dzemuNigeria.

Nigeria iri kurwisana nekubirwa kwesarudzo, izvo zvatara shanduko muhutongo hwejekerere muAfrica. Zvichitevera sarudzo dzemuna 2023 dzisina kufamba zvakanaka, nyika iyi yakatanga musi wa 04 Kurume 2024 hurongwa hwekutonga vakapara dzimhosva.

Mune chiitiko chakakosha, vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu (196) vatarisana nekutongwa nemhosva dzavanofungidzirwa kuti vakapara musarudzo dzemuNigeria.

Sangano remagweta reNigerian Bar Association pamwe chete nekomisheni yesarudzo yeIndependent National Election Commission (INEC), vakaparura hurongwa hwekunzwa nyaya idzi mumatare emuNigeria yose kubva musi wa 04 Kurume 2024, vachisimbisa kugadzirira kwenyika mukupedza huwori hune chakuita nesarudzo.

Vakuru veINEC pamwe nemapato ezvematongerwo enyika vari pakati pevakatarisana nekutongwa.

Zvizvarwa zveNigeria zvakaita saVaStephen John zviri kupembedza zvakanyanya danho iri seriri mugwara rakanaka.

VaJohn vanoti, “Kwatiri, kuti tichenese maitirwo esarudzo dzedu, panofanirwa kuonekwa kuti vanotyora mutemo munguva dzesarudzo vatongwa kuitira kuti zviwodze mwoyo yevamwe vangazoda kuteverawo nzira iyoyo.”

Sarudzo dzemuNigeria dzinonzi dzinogara dzichiita mutauro wekubiridzirwa.
Sarudzo dzemuNigeria dzinonzi dzinogara dzichiita mutauro wekubiridzirwa.

Kubirwa kwesarudzo idambudziko ranetsa Nigeria kwenguva yakareba, izvo zvakanganisa chivimbo muhutongi hwayo hwejekerere.

Ndosaka zvizvarwa zveNigeria zvakaita saVaIgwe Friday zvisati zvave kutambira kuti zvinogadzirisika.

VaFriday vanoti, “Munyika yakaita seNigeria, mhirizhonga yezvesarudzo, wakatora nyaya iyi kuenda nayo kumatare edzimhosva usati wamboziva, nyaya yacho haina kwainoenda.”

Aka ndekekutanga kuti Nigeria itonge vanhu vane chekuita nemhosva dzesarudzo kunyange hazvo zviri mubumbiro remitemo.

Sangano reNigerian Bar Association riri kupa rubatsiro mune zvemutemo pachena kukomisheni yesarudzo yeINEC kuitira kuona kuti vakazvidza mutemo wesarudzo vatongwa zvinokodzera.

Pavanhu vakasungwa nemapurisa eNigeria munguva dzesarudzo dzenyika muna 2023, nyaya mazana maviri negumi neshanu dzakaiswa kumatare, zana nemakumi mapfumbamwe nenomwe dziri dzine chekuita nesarudzo.

Nyaya dzese dinocton mumatare emazuva ose sezvo Nigeria isati yaumba dare rakazvimirira rinongotonga mhosva dzine chekuita nesarudzo chete.

VaJide Ojo, vanove nyanzvi munyaya dzesarudzo nekutongwa kwenyika, vanotara kupindira kwezvematongerwo enyika sechimhingamupinyi chikuru mukurwisa mhosva dzine chekuita nesarudzo.

“Ngatisave netarisiro yakanyanya; ivo vari muchikwata chezvematongerwo enyika ivava ndivo vanonyanya kuwana cheuviri kubva mumhosva dzesarudzo. Saka, havasi kumhanya nekuti kudzika mitemo yakaomarara kana kuumba komisheni yakazvimirira kuti ione nezvekutongwa kwemhosva dzesarudzo zvakafanana nekuzvipfura tsoka. Nekudaro, havasi kukasika kuona kuti komisheni inotonga mhosva dzesarudzo yaumbwa kuburikidza nebumbiro remitemo.”

Hurumende iri kutonga muNigeria pari zvino ndeya VaAhmed Tinubu.
Hurumende iri kutonga muNigeria pari zvino ndeya VaAhmed Tinubu.

Mhosva dzakasiyanasiyana, kusanganisira kuwirirana kubirira, kutyisidzirwa kwevavhoti, kutengwa kwemavhoti, nemhirizhonga zvakaonekwa musarudzo yapfuura.

MuNigeria, mhosva dzesarudzo hadzina nguva yakatarwa yekuti dzinge dzatongwa, kusiyana nekugadziriswa kwegakava resarudzo, izvo zvinozoita kuti zvitore nguva yakareba inosvika mwedzi yakawanda kana kutosvika kumakore akawanda.

Apo nyaya dziri mumatare, VaOjo vatsinhira kukosha kwekutongwa kwevanhu vese pasina tsvete kuitira kuumba chivimbo muvanhu.

“Panofanirwa kuwiriranwa kumusoro ikoko kuitira kupedza nyaya dzemhosva dzesarudzo. Hazvitipe chimiro chakanaka sevanhu vakachangamuka, senyika ine hutongo hwejekerere.”

Senyika ine vanhu vakawandisa muAfrica, kubatwa kwesarudzo zvakanaka kunopa chimiro chakakosha zvikuru mudunhu rese.

Mutemo weElectoral Act Reform wa2022 uchangobva kudzikwa wakawaridza hwaro hwehutongo husina tsvete, huri pachena, uchipa tariro yesarudzo dzakajeka, dzakasununguka mune remangwana muNigeria.

Kuti hurumende yeNigeria ingazvisvitsa mukuita michero?

Sarudzo yemutungamiri wenyika inotevera ichaitwa muna Kukadzi 2027, ingangounza dzimwe dzemhinduro pamubvunzo uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

(Nyaya iyi yabva kuna Gibson Emeka, mutori wenhau weVOA ari kuAbuja, Nigeria.)

Forum

XS
SM
MD
LG