Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopa Pfungwa Dzakasiyana paKuda Kubviswa kweMutongo weRufu


Dare reparamende nhasi ratanga kunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rekuti chirango chekutemera vanhu rufu chobviswe here kana kuti kwete mubumbiro remitemo kana kuti Death Penalty Abolition Bill. Dare remakurukota rakatotambira chisungo chekuti charango ichi chibviswe.

Zimbabwe ikaita izvi inege yave pakati penyika makumi manomwe neshanu pasi rose dzakabvisa charango ichi.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vagara havadi charango ichi sezvo vakambotongerwa rufu munguva yehondo yechimurenga vakazopona nepaburi retsono varegerererwa.

Parizvino pane vanhu makumi matanhatu nevapfumbamwe vakamiririra kuurayiwa mushure mekuponda vanhu.

Asi Zimbabwe yakapedzisira kuuraya munhu ainge apomerwa rufu muna 2005. Vazhinji vanozongoguma vatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwose.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemutemo vari nhengo yeZanu-PF VaEngery Mutodi vaudza Studio 7 kuti nhasi vange vari kuBindura uko vamwe vatambira kuvandudzwa kwemutemo asi vamwe vachiramba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumiriri weDzivarasekwa mudare reparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaEdwin Mushoriwa avo vakatanga kusimudza nyaya yekuti chirango ichi chibviswe mudare reparamende gore rapera vati tsika yekuuraya vanhu yakauya nevachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG