Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varairidzi Voronga Kuramwa Mabasa neChipiri Panovhurwa Zvikoro


Rimwe sangano revarairidzi reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ razivisa kuti varairidzi vari pasi paro havasi kuzoenda kumabasa panovhurwa zvikoro nemusi weChipiri nekuti havana mari yekufambisa kuenda kumabasa.

ZRTUZ inoti yave nenguva ichikumbira hurumende kuti iwedzere mari dzavo dzemihoro asi ichiisa zvimiti munzveve.

Asi mumwe mukuru mubazi rezvevashandi audza Studio 7 kuti nhaurirano dziri kuenderera mberi nemamwe masangano evashandi pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council kana kuti NJNC. Kanzuru yeNJNC iyi iri kunzi neARTUZ haisi pamutemo.

ARTUZ yakatoendeswa nyaya yeNJNC kumatare ichiti haipe mushandi mukana wekutaura pfungwa dzake asi hurumende inongowedzera mari yainoda pasina nhaurirano.

Munyori mukuru weARTUZ VaRobson Chere vaudza Studio 7 kuti vanoda mari inosvika chiuru chimwe chete nemazana maviri ekuAmerica kana kuti US$1,200pamwedzi

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru werimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers’ Association (ZIMTA) VaGoodwill Taderera vati vachiri kuita nhaurirano nehurumende asi vatendawo kuti mari yavari kutambiriswa ishoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG