Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Madzimai Obvumidzwa Kubvisa Nhumbu Zviri Pamutemo Yokonzera Kutatsurana Pakati paVaTrump naVaBiden


VaDonald Trump naVaJoe Biden
VaDonald Trump naVaJoe Biden

Dunhu reFlorida rine mutemo mutsva unorambidza madzimai kubvisa nhumbu kana kwapera mavhiki matanhatu. Musarudzo yemutungamiri wenyika yegore rino VaTrump vebato remaRepublicans vari kuti zviri kumatunhu kuti adzike mitemo yavo panyaya dzakadai kwete kuti hurumende ivaudze zvekuita. Asi VaJoe Biden vebato remaDemocrats vanoti kuita izvi kunotyora kodzero dzemadzimai panyaya dzezvavanoda kuita nemiviri yavo.

MaDemocrats achitungamirwa naVaBiden ari kutora nyaya yezvekodzero dzemadzimai iyi seyakakosha muchinangwa chavo chekuti vasarudzwe zvakare kutungamira nyika. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris vange vari kuFlorida pazuva rakatambirwa mutemo wekurambidza madzimai kubvisa pamuviri kana kwadarika mavhiki matanhatu.

Vati, “Iyi inyaya yekurwura kodzero dzekusungunuka. Rusungunuko rwekuti munhu asungunuke kutaura zvaanoda nezvemuviri wake kwete kuti hurumende ivaudze zvekuita.”

Mutemo wekuFlorida ndemumwe wakaomesesa muAmerica zvapa kuti vanhu vapihwe kodzero yekuvhota muna Mbudzi kuti oramba uripo here kana kuti wobviswa mumbiro. Matunhu emuAmerica ari kudzika mitemo yawo panyaya yekubvisa nhumbu mushure mekunge dare repamusoro soro reSupreme Court ratara mutongo waitendera vanhu kubvisa nhumbu chero pavadira zviri pamutemo muna 2022.

VaTrump ndivo vakadoma vatongi vedare iri vatatu pane vatanhatu varipo nekudaro Amai Harris vanoti mutongo wakapihwa nedare iri unofanira kuonekwa seunoratidzawo mafungiro aVaTrump. Amai Harris vati, “Tiri kuona kuti mumatunhu ose kodzero dzemadzimai panyaya dzekubereka dzave kumbunyikidzwa. Tinoziva tose kuti ndiyanio akakonzer adambudziko iri. Vaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump.”

Kunyangwe VaTrump vachiti mutemo wemuFlorida unenge wazonyanya kuomesera madzimai, vanoti havo hapana chakaipa kuti matunhu kwete hurumende adzike mitemo yavo panyaya dzakadai.Vanoti izvi ndizvo zvido zvevanhu.

Matunhu akawanda anenge aine musiyano. Akawanda anenge aine mavhiki akasiyana panyaya inotenderwa kubvisa pamuviri, mamwe anoda mitemo yechinyakare nechikristu asingabvumidze kubvisa nhumbu, mae anoitawo zvakati rerukei. Asi mumagumo azvo zvido zvevanhu zvinofanira kutevedzerwa. Munhu ngaatevedzere zvinoda moyo wake kana kuti chitendero chake.”

Asi mumwe mudzimai achitaura pakirinika yeFort Pierce kuFlorida anoti ...

Semaonero angu ndinoona sekuti vanhu vakawanda vachafa nekuti mavhiki matanhatu anonetsa zvikuru. Inguva pfupi. Asi ndinofunga kuti vanhu vachangoenderera mberi vachibvisa nhumbu. Vamwe vanenge vozviita nemukoto mudzimba zvinoisa hupenyu hwavo munjodzi.”

Muridzi wekirinika iyi, Candace Dye anoti, Pari kuita chipatapata chevanhu vari kuuya kuzobviswa nhumbu mazuva anotanga kushanda mutemo asati asvika. Mavhiki matatu inguva shoma zvikuru. Vakawanda vavo vave nemavhiki mana vasina kutevera nekudaro vave kutya. Nekudaro tiri kuyedza kuti vane nhumbu here.”

Panze pekirinika iyi painge paine vanhu vairatidzira vachishora nyaya yekubvisa nhumbu. Mumwe airatidzira ndiTammy Holly uyo anoti:

Ndiri pano nekuti kubvisa nhumbu kwakandikuvadza, uye handidi kuona mumwe munhu achirwadziwa sezvandakaita. Vanopinda kunobvisa nhumbu asi pavanobudawo hupenyu hwavo hunenge hwasiyana kunyangwe vakayedza havo kuzvivanza.”

Kunyangwe nyaya yekurambidza madzimai kubvisaa nhumbu ichipa kuti vebato remaRepublicans vakawanda vaite chidokwadokwa chekunovhota, VaTrump vanoratidza kuti zvinogonawo kuti vashaye rutsigiro. Vachinyora padandemutande ravo reTruth Social VaTrump vakati;

“Munhu ngapinde nemoyo, asi tinoda kukunda. Tinofanira kukunda. Senyika tiri kukundikana. Tinoda kuti nyika yedu idzoke pakutungamira nyika dose dzepasi rino.”

Asi Amai Harris vanoti vebato raVaTrump mudare reparamende vane hurongwa hwekuti kubvisa nhumbu kuramnbidzwe nyika yose. Asi VaTrump vanoti havaone izvi zvakakodzera sezvo zvave kuita nematunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG