Accessibility links

Breaking News

Zvitoro Zvikuru zveMunyika Zvotara Mitengo yeZvimwe Zvinhu muMadhora ekuAmerica Chete


Mafuta ekubikisa anonzi awe kutengeswa mumadhora ekuAmerica chete muzvitoro zvikuru.
Mafuta ekubikisa anonzi awe kutengeswa mumadhora ekuAmerica chete muzvitoro zvikuru.

Vezvitoro zvihombe munyika vanosanganisira OK Supermarket neTM Pick n Pay vanonzi vatanga neChishanu kutara mitengo yezvimwe zvinhu zvavanotengesa iri mumadhora ekuAmerica chete.

Zvimwe zvezvinhu zvinonzi zvatanga kutengeswa zviri mumadhora ekuAmerica chete zvinosanganirisa mafuta ekubikisa, sipo yekuwachisa yehupfu, mukaka, pamwe nezvigadzirwa zveimwe kambani zvese.

Mutungamiri wesangano revezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vakasatokwanisa kutora danho irori rekuti zvavatenga nemadhora ekuAmerica vozvitengesawo nemadhora ekuAmerica vakawanda vavo vanobhuroka nekuti nharaunda yacho iri kuremera vezvitoro zvakanyanya.

"Panguva ino vakatsikirirwa zvakanyanya kubudikidza nekuoma kuri kuita nharaunda yavanenge vachiitira mabhizimusi. Uye kana takatarisa nhau yataramba tichiongorora nezvayo tichitsvaka ma solution, yekunetseka kunoita ma formal business kana takasanganisa nema informal business, vasingaripire mutero kuZIMRA kana marezinesi ezvitoro, vanongotengesawo pamadiro asi vachitengesera munharaunda imwecheteyo inenge iine ma formal shops vanenge vachiripira ma taxes," VaMutashu vanotsanangura.

Vanoti pari zvino pane nhaurirano dziri kuitwa dzekuedza kugadzirisa matambudziko aya, uyewo vemabhizimusi vakamirira kunzwa zvichabuda mugwaro rehwaro hwemari huchaburitswa nebhanga guru renyika, reReserve Bank.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuderera kwesimba remari yemunyika kuri kuita kuti vezvitoro vave nenguva yakaoma.

"Kuderera kuri kuita Zim dollar kunoreva kuti vakazoda kuita restock, say next month, havachakwanisa kunge vachiita nekuti mari yavanga vawana iya, ma Zim dollar avawana mukutengesa kwavanga vachiita zvinhu inenge isisarevi chinhu. Inenge yaitwa eroded ne inflation, saka I think ndodambudziko riripo iroro," Doctor Chitambara vanotsanangura.

Dhora rekuAmerica rinonzi riri kutengeswa kumabhanga nemari inodarika zviuru makumi matatu zvemadhora emunyika, kuchitiwo pamusika mutema dhora rekuAmerica richitengeswa nemari inodarika zviuru makumi mana zvemadhora emunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG