Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNhabvu cheZimbabwe Warriors Chinopinda muFainari yeMakwikwi eNyika Ina kuMalawi


Zimbabwe iri kumakwikwi eFour Nations Tournament ari kuitirwa kuMalawi.
Zimbabwe iri kumakwikwi eFour Nations Tournament ari kuitirwa kuMalawi.

Chikwata chenhabvu chenyika, cheZimbabwe Warriors, chapinda mufainari yemakundano ezvikwata zvina eFour Nations Invitational Tournament ari kuitirwa kuMalawi kusvika musi wa 26 Kurume.

MaWarriors arova Zambia 6-5 mumapenareti ndokupinda mufainari yemakundano aya iyo iriko musi weChipiri svondo rinouya.

Zvikwata izvi zvapedza zviri mangange 2-2 munguva yakatarwa asi makundano aya haana mutemo unowedzera nguva, kana kuti extra time.

Chikwata chaNorman Mapeza ichi changa chakarohwa 2-0 munharaunda yekutanga ndokudzora kusvika pa2-2 nezvibodzwa zvabva kuna McCaulley Bonne naWalter Musona.

Kukunda uku kuri kureva kuti Zimbabwe yave kusangana neKenya mufainari, iyo yarova Malawi 4-0.

Zimbabwe iri kushandisa zvekare makundano aya kugadzirira mitambo miviri ye2026 World Cup yayakatarisana nayo neLesotho neSouth Africa muna Chikumi.

Murairidzi wemaWarriors, Norman Mapeza.
Murairidzi wemaWarriors, Norman Mapeza.

Aimbove mutewedzeri wemurairidzi weCaps United, Fungai Kwashi, anoti maWarriors anoda mitambo yegadziriro yakaita semakundano aya kuti chikwata ichi chinyatsosimba zvekumiramira kumitambo yeWorld Cup.

"Mukasaronga zvinhu zvakanaka zvimhu hazvifambe. Saka ndongoti vakuru vedu ngaronge zvingu zvifambe zvakanaka. Ngavaronge mafriendlies kuti team ijairane, team isimbe," anopa mazano Kwashi.

Kukunda uku kwauya panguva yakakodzera mushure mekunge chikwata chevechidiki chemaYoung Warriors chakarohwa 3-2 neMalawi ne3-2 neKenya ndokubuda mumakwikwi mamwechetewo.

Zvichakadaro, vatsigiri vechikwata cheCaps United nhasi vanga vari munhandare yenhabvu yeRufaro Stadium uko vanga vachibatsira kugadzirisa zvasara kuti nhandare iyi ichishandisa zvekare mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League.

Nhandare yeRufaro mushure mekugadziridzwa.
Nhandare yeRufaro mushure mekugadziridzwa.

Studio 7 yashanya kuRufaro uko yaona nhandare inoyevedza inokwanisa kufungidzirwa kuti yatove kutambirwa nhabvu yePSL.

Mutsigiri weCaps United, VaTavengwa Chirabvu, avo vanove mumwe wevanhu vanga vachishanda munhandare iyi, vanoti chasara chete kuti zvikwata zvipinde zvitambe kurwira mapoinzi.

"Rufaro yanakisisa kudarika nhandare dzatinadzi. Chatamirira kuti zvikwata zvipinde, zvitambe," vadaro VaChirabvu.

Muteveri wemutambo uyu, VaAlfred Maliana, vanoti semaonero avo, nhandare iyi yave pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana,kana kuti 95 percent kupera.

"Ranaka ground. Ratove pa 95 percent. Yasiyana neRufaro yatanga tichiona iye," vafara VaMaliana.

Meya weguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti vari kutarisira kunge vashandisa mari isingadarike mamirioni matatu emadhora ekuAmerica panoperesesa kugadzirwa kwenhandare iyi.

"Vekumahofiri edu emari vachatarisa kuti tashandisa marii. Asi hatidi kuti idarike 3 miriyoni. Mari dziye dzaitaurwa kwete, iyi imari yevagari vemuHarare," vanodaro VaMafume.

Mumwe mutsigiri weCaps United, VaSamuel Saeni, vanoti kushandiswa kweRufaro zvekare kunobatsira vatsigiri venhabvu munyaya dzemari dzekufambisa.

"Tanga tanzwa kufamba isu tiri pamusha. Tanga tichiremerwa. Ikozvino zvichave nani tave muHarare. Chikwata chedu chichawanawo mari nekuti Rufaro pedyo neruzhinji," vafara VaSaeni.

Zvigaro zvitsva munhandare yeRufaro muHarare.
Zvigaro zvitsva munhandare yeRufaro muHarare.

VePremier Soccer League vari kutarisira kuti nhandare iyi ichatanga kushandiswa svondo rino.

Mugwaro ravakatenderedza kuvatori venhau vari kuti mutambo pakati peCaps United neBikita Minerals uchange uri muRufaro nemusi weChina.

Vanotiwo zvekare Dynamos, iyo iri kushandiswa Barbourfields Stadium semusha, ichange ichishanyira Yadah muRufaro umu nemusi weSvondo, svondo rinouya.

Vanoita zvekuongorora mamiriro edzinhandare, veZIFA Instance Board, vachange vachiongorora zvekare nhandare yeRufaro nemusi weMuvhuro mushure mekumbenge vanongedzera zvishoma zvaida kugadziriswa, zvinove zvagadziriswa nekanzuru yeHarare.

Totarisa zviri kubuda kumakwikwi eAll Africa Games ari kuitirwa kuGhana.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chiri munhandare kurwira menduru yegoridhe neNamibia manheru ano.

MaChevrons ari kuda kutevera tsoka dzema Lady Chevrons ayo akatora menduru yegoridhe mushure mekurova South Africa.

Chimwe chikwata chenyika chemutambo we rugby, chemaCheetahs, nezuro chakatora menduru yesirivha.

Pari zvino, Zimbabwe yaunganidza menduru gumi neimwechete, mbiri dzegoridhe, shanu dzesirivha neina dzebronze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG