Accessibility links

Breaking News

Ngezi Platinum Stars FC Inosimudza Mukombe weCastle Lager Challenge


Chikwata cheNgezi Platinum Stars FC.
Chikwata cheNgezi Platinum Stars FC.

Chikwata cheNgezi Platinum Stars nhasi charatidza zvachakapakata mwaka uno mushure mekusimudza mukombe weCastle Lager Challenge, uyo unovhura mwaka wenhabvu gore rega-rega.

Chikwata ichi charova Dynamos 2-0 ndokutora mari inoita iyo madhora zviuru makumi matatu iyo yanga yakaiswa parutivi kutambidzwa anotora mukombe uyu.

Zvibodzwa zvabva kuna Claude Makopa naElson Mweha zvapa Ngezi kukunda nekusimudza mufaro mukuru muvatsigiri vayo vanga vari munhandare iyi.

Kukunda uku kwatsiva kurohwa kwakaitwa Madamburo 2-0 apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana mufainari yeChibuku Super Cup, uyezve munhandare imwecheteyo mwaka wapera.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars FC, Takesure Chiragwi, anoti ari kufara nekukunda uku achitarisira mumitambo inotevera kuti vanoita zvimwechetezvo

"Basa racho ndiro zvarinotoda. Kukunda kana muchitambira pamusha zvinodiwa," anodaro Chiragwi.

Mutambo uyu waunganidza vanhu vashoma kwazvo.
Mutambo uyu waunganidza vanhu vashoma kwazvo.

Mutambo uyu waunganidza vanhu vashoma izvo zvanga zvisingatarisirwe, asi vadzokera kumba vagutsikana nekushanda kwaita madhora matatu ayo vabhadhara pagedhe.

Mutsigiri wechikwata cheDynamos, VaJacob Bhasira, vanoti mutambo uyu wanakidza zvekuti zviri kuratidza kuti mwaka uno kwakaipa.

"Gore rino mutambo unokwanisa kutambika zvakanaka. Vakomana varikuratidza kuti ku-tanga hazvo asi kumberi uko kune zvakawanda," vadaro VaBhasira.

Mumwe mutsigiri wenhabvu asi achitsigira Ngezi Platinum Stars, VaBothwell Ronald Mandizha, vatsinhirawo vachiti matambiro aita zvikwata zviviri izvi ari kuratidza mwaka wakanaka wa2024.

"Mitambo irikutevera iyi hakunaniwe anonzwa tichitarisa kuti mutambo wataona nhasi zvikwata zvanga zvakagadzirira zvakakwana," vanofara VaMandizha.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaTedius Bhunu weDynamos, vanoti kunyange varohwa, mukombe weligi vari kutora.

Murairidzi weDynamos, Genesis Mangombe.
Murairidzi weDynamos, Genesis Mangombe.

"Makundano eligi arikutanga svondo rinouya. Asi tirikutarisira kuti Dynamos irikutora mukombe," varikuda kuti Dembare ikunde VaBhunu.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga svondo rinouya apo Dynamos FC iri munzira kuenda kuBulawayo kunosangana neHighlanders FC.

Ngezi, iyo ine mukombe wePSL uyu, iri kuvhura musangano wayo neArenel Movers FC, iyo ichangopinda mugungano iri.

Dynamos neNgezi dziri kumiririra nyika mumakundano emuAfrica apo Ngezi Platinum Stars ichange ichikwikwidza muCAF Champions League, ukuwo, Dynamos ichikwikwidza mumakundano e CAF Confederation Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG