Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kupikisa Mutongo Wekuti Iripe Varimi Vachena Vayakatorera Mapurazi Zvinotyora Zvibvumirano neGermany neSwitzerland


Zimbabwe Tobacco
Zimbabwe Tobacco

Hurumende yazivisa kuti inogona kupikisa mutongo wakapihwa nedare reLondon High Court kuBritain wekuti inofanira iripe vamwe varimi vayakatorera minda.

Izvi zvinotevera mutongo wainge wapihwawo nedare reInternational Centre for Settlement of Investment Disputes (ICSID) wekuti Zimbabwe ibhadhare makambani eBorders Timbers ne Hangani Development Limited mamiriyoni zana nemakumi maviri nemashanu ekuAmerica (US$125 million) nemiriyoni imwe chete kana kuti US$1 million pakambani semuripo zvichitevera kubvutwa kwemapurazi emakambani aya nehurumende muna 2005.

Kunyangwe mapurazi emakambani aya aifanira kuchengetedzwa pasi pechizvibvumirano zveZimbabwe neGermany neSwitzerland kana kuti Bilateral Investment Promotion and Protection Agreement, hurumende yakaatora nechisimba.

Izvi zvakapa kuti ikwidzwe kumatare ekunze ichibva yanzi muna 2015 iripe nekudzorera mapurazi kuna VaBernard von Pezold nemhuri yayo.

Asi kubva munguva iyi, Zimbabwe iri kuramba yakatsika madziro. Dare reInternational Centre for Settlement of Investment Disputes iri rakati Zimbabwe yakaita rusaruraganda pakutora mapurazi airima miti nefodya aya. Zimbabwe yakapikisa mutongo uyu muna 2018 asi hazvina kutambirwa nedare.

Gweta guru rehurumende Amai Virginia Mabhzia vaudza Studio 7 kuti vachiri kunzvera mutongo weLondon High Court uye vanokwanisa kuupikisa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere, vaudza Studio 7 kuti hazvina kuipa kuti hurumende ipikise mutongo uyu asi chinhu chakanaka kuti iremekedze mitongo yematare emuno nekunze.

Gweta uye vakasanobata chinzvimbo chemukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde vaudza Studio 7 kuti zvibvumirano nedzimwe nyika zvinofanira kuremekedzwa.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende zvekusatevedza mitongo yematare zvinopa chimiro chisina kunaka kune vanoda kuzosima mari yavo mumunyika.

Nyika dzakaita seAmerica neBritain dzinogara dzichiti kudyidzana neZimbabwe kunonetsa nekuda kwekusaremekedza kwainoita zvibvumirano nedzimwe nyika. Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti zvinonetsa kumanikidza Zimbabwe kuripa paine yatyora zvibvumirano nedzimwe nyika asi nyika dzakawanda dzinoripa hadzo kuti dzisazobatwa sedzakageza negoka munyama.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, zvakare vari mutungamiriri webato reDemocractic Party, Dr Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti hapana chikonzero chinoita kuti hurumende isabhadhare makambani eBorder Timbers ne Hangani Investments sekutongwa kwakaitwa nedare reIICSID sezvo iyo yakatobvuma kubhadhara vanhu vakabvutirwa ivhu ravo nehurumende pasi pechisungo cheGlobal Compensation Deed.

Zimbabwe yakanyorerana chibvumirano nevarimi vakatorerwa minda chinonzi Global Compensation Deed ichiti ichabhadhara mari inosvika mabhiriyoni matatu nechidimbu kana kuti US$3,5 billion. Hazvina kujeka kuti mapurazi emburi yaVa Von Pezold anoripwa pasi pechibvumirano ichi here. Amai Mabhiza vati titaure negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi kutadza kubhadhara mari yakatarwa nedare yeICSID ndiko kwakapa kuti mhuri yaVaVon Pezold iende kudare reLondon High Court kuti iripwe kunyangwe Zimbabwe yaipikisa ichi dare iri harina simba rekunzwa nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG