Accessibility links

Breaking News

VaMalaba Voparura Kushanda kweMatare Mugore Rino Vakawanda Vachiti Matare Ave Kufamba neDivi seGakanje


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Mukuru wevatongi vematare munyika, Chief Justice Luke Malaba,nhasi vapurura zviri pamutemo kushanda kwematare gore rini vachiti vatongi munyika vari kuita basa nemazvo kunyange hazvo vanopikisa vachiti matare anoshanda aine divi raakarerekera.

VaMalaba vati matare ese, epamusoro neamajisitiriti ari kushanda zvakanaka kusiya kwematare anoona nezvavashandi ayo vati anoda kugadziriswa.

Vashora kuvhundutsirwa nekutyityidzirwa kwavanoti kuri kuitwa vatongi vachiti zvinosuwisa kuti izvi zvaiitwa nevanhu vanosanganisira magweta.

Vati zvakakosha kuti matare, vanhuwo zvavo nehurumende varemekedze bumbiro remutemo wenyika vachiti izvi zvinoita kuti munyika muve nerunyararo.

Gweta, Muzvare Fadzai Mahere vanovazvakare nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vachimirira Mt Pleasant mudare reparamende vati vanotarisira kuti kodzero dzevanhu dzichatevedzwa sekutaurwa kwazvaitwa naVaMalaba.

Sachigaro vesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti kunyunyuta kwemagweta neveruzhinji pamusoro pemashandiro ematare munyika kunoratidza kuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka.

Vati nyaya yaVaSikhala inonyadzisa matare uye anofanira kugadzirisa nyaya iyi.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemutemo zvakare vari nhengo yeZanu PF, VaEnergy Mutodi, vaudza Studio 7 kuti vafara nemashoko aVaMalaba vachiti zviri pachena kuti vanoda i kuti nyika itevedze mutemo .

Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vaudza Studio 7 kuti VaMalaba vataura pachena kuti matare haana divi raanorekera.

Vati avo vari kugunun’una nenyaya yaVaSikhala vanhu vari kuda kuti matare atonge nyaya sekuda kwavo.

Mutungangamiriri wesangano remagweta munyika reLaw Society of Zimbabwe, Amai Rumbidzai Matambo vatiwo zvakakosha kuti vatongi nemagweta varemekedzane pabasa.

VaMalaba vatiwo vanofara chose kuti vaparura kushanda kwematare gore rino apo nyika yave nemakore gumi yave nebumbiro remutemo idzva.

Vatiwo komisheni yematare edzimosva yeJudicial Services Commission iri kuedza napose painokwanisa kuona kuti nzvimbo dzese munyika dzave nematare uye kuti vatongi vese varambe vachisimudzirwa ruzivo rwavo pabasa kuti vaite basa nemazvo.

Mutevedzeri wavo, nevamwe vatongi vakuru vematare munyika vaparurawo kushanda kwematare mumatunhu akasiyana siyana munyika anosanganisira Bulawayo, Masvingo neChinhoyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG