Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinoti Makanzura Aro Ari Kunzi Akadzingwa neVari Kuzviti Ndivo Munyori Mukuru weCCC, VaTshabangu, Haasi Kuzosiya Basa


Mutewedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Siziba nenhengo dzeCCC.
Mutewedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Siziba nenhengo dzeCCC.

Vakafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemutauriri weCitizens’ Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziva, vanoti pamakanzura ese makumi matanhatu nemapfumbamwe ari kunzi adzingwa basa nevanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, hapana achasiya basa, vachiti idzi inyaya dzepamadandemutande chete nekuti sebato vakatotorera ivo VaTshabangu matanho kumatare.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi masikati pamusoro pematsamba ari kunzi adzinga zvakare mamwe makanzura, VaSiziva vati kwangova kumhanyidzana nemhepo kwaVaTshabangu.

“Hatisi kuramba tichidzingwa. Matsamba angotenderedzwa padandemutande. Kana nyaya irikumatare, hapana chinogona kuitwa nekuti panekusawirirana kuti anofanira kunyora tsamba ndeupi. Saka hapana anodzingwa kusvika vedare repamusoro vapa mutongo wavo,” vadaro VaSiziva.

Nhengo dzeCitizens Coalition For Change.
Nhengo dzeCitizens Coalition For Change.

VaSiziva vatiwo VaTshabangu havasi mumwe wevatungamiriri vemubato ravo.

“Tripple C yakaenda kuHigh Court muna October ichinosungisa Tshabangu kuti haasi munyori mukuru weTripple C. Nyaya iyi irikupinda mudare mazuva arikuuya,” vadaro VaSiziva.

Mumwe wemakanzura ari kunzi akadzingwa naVaTshabangu, VaDenford Ngadziore, vati zvaitwa naVaTshabangu kana chiri chokwadi zvinonyanya kurwadzisa vakavhota pasarudzo dzegore rino.

“Vanhu varwadziswa apa haasi Denford Ngadziore, haasi Ian Makone, Samuel Gwenzi, Lovejoy Chitembu. Vanhu varwadziswa ndevakavhota, vakarara varimumitsara,” vadaro VaNgadziore.

Vari kunzi ndivo mutauriri waVaTshabangu, VaKhaliphani Pugeni, varamba kubuda pachena kuti tsamba iyi yakanyorwa naVaTshabangu here kana kuti kwete, vachiti vanoda kutanga vanzwa kubva kuna VaTshabangu vacho vasati vapindura.

VeCCC vari kuti VaTshabangu vari kushandiswa nebato reZanu PF.

Asi mumwe wevechidiki mubato reZanu PF, VaTaurai Kandishaya, vati bato ravo rinoramba kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya, vachiti ivo havana chekuita nezviri mubato rinopikisa iri.

“Isu semusangano weZanu-PF hatinei nezvinoitika kunerimwe bato. Kukunda kwatakaita kunoita kuti tive neziso redu pabasa rekubudirira kwenyika nokuti munhu wese anotarisira kwatiri,” vadaro VaKandishaya.

Zanu PF
Zanu PF

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mutauriri wesangano rakazvimirira rega, reHeal Zimbabwe Trust, VaRawlings Magede, vati kudzingwa-dzingwa kuri kuitwa nhengo dzeTriple C kunozvidza vese vakavhotera bato iri.

“Kudzingwa kwevakavhoterwa vebato reTripple C kurikuzvidza vanhu vakavhota. ndochekutanga. Bumbiro redu remutemo rinotsigira nyaya yevanhu yekuti vanofanira kuva nekodzero yekusarudza vamiriri vavo,” vadaro VaMagede.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvematunhu, VaWinston Chitando, kana vatambira matsamba ekudzingwa kwemakanzura eCCC aya.

Mwedzi wapera, VaTshabangu vakadzinga makanzura gumi nemanomwe izvo zvinosvitsa huwandu hwemakanzura avadzingwa kusvika pari zvino pamakumi masere nematanhatu.

Hurumende yakatotara Zvita 9 sezuva richaitwa sarudzo dzekutsiva zvinzvimbo makumi maviri nezvina zvenhengo dzeparamende pamwe nezvigaro gumi nezvinonwe zvemakanzura.

Asi CCC yakakwidza nyaya iyi kudare reSupreme Court ichipikisa mutongo wedare repamusoro rakatambira zvakaitwa naVaTshabangu. CCC inoti VaTshabangu haisi nhengo yebato iri.

VaTshabangu havasi kudavira mbozhanhare pose pavari kufonerwa neStudio7 tichida kuziva zvakawanda pamusoro petsamba dzekudzinga makanzura aya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG