Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari Votapirirwa neHupenyu Kuburikidza neKuchengeta Nyuchi


Vamwe vadarivave kuchengeta nyuchi vachibatsirwa neFAO.
Vamwe vadarivave kuchengeta nyuchi vachibatsirwa neFAO.

Vamwe vagari mumaruwa ematunhu eMashonaland Central neMashonaland West vanoti hupenyu hwavo hwashanduka kuburikidza nechirongwa chekuchengeta nyuchi chavakadzidziswa nesangano reFood and Agriculture Organization kana kuti FAO.

Vagari ava vanoti kuchengeta nyuchi kwave kuvawanisa huchi hwavanotengesa vachiwana mari, uye namo pamwe nekuvabatsira kudzinga dzimwe mhuka dzesango dzakaita senzou, idzo dzaimboparadza zvirimwa zvavo. Vagari ava vanoti vave kuisa mikoko yenyuchi pedyo nedzimba nekumicheto yeminda senzira yekutanda mhuka idzi.

Mukoko wenyuchi.
Mukoko wenyuchi.


Mumwe ari kufara kuti akakwanisa kushandisa nyuchi dziri mumikoko yaakaisa kuminda nepamusha kudzinga mhuka dzaimboparadza zvirimwa zvake ndaVaKevin Rwambiwa vekuNyamakate.

“Nyuchi dzino dzinga mhuka dzakaita seNzou idzo dzaiparadza minda yedu asi ikozvino hadzichauya sezvo takaisa mikoko yenyuchi pedyo neminda yedu” VaRwambiwa vanotsanangura

VaRwambiwa vanoti pamusoro pekudzinga mhuka, nyuchi dzinoita kuti gohwo riwande nekuda kwekufambisa mukumhe unenge uri muzvirimwa kana mumaruva dzichiisa mune zvimwe zvirimwa zvavo, kana kuti cross pollination.

“Nyuchi dzinoitawo kuti gohwo riwande nekuda kwekufambisa mukumhe unenge uri muzvirimwa kana mumaruva dzichiisa mune zvimwe zvirimwa, kana kuti cross pollination” VaRwambiwa vanoenderera mberi

VaMusafare Mangezha, vanove mugari wekuMbire, mudunhu reMashonaland Central, ndemumwe wevarimi vari kuwana chouviri kubva mukuchengeta nyuchi.

“Ndave kutorarama nehuchi hwandinowana. Ndinowana madhora ekuAmerica makumi masere pandinomora mukoko kamwechete” VaMangezha vanozivisa.

Mumwe anochengeta nyuchi achirarama nehuchi.
Mumwe anochengeta nyuchi achirarama nehuchi.


Vamwe vakaita saVaBenson Mutakati vekuKariba vanoti vari kurarama nekutengesa uchi. Asi vanoti havabvumidzwi nemutemo wekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza kupedza huchi hwese mumukoko pavanohubura.

“Huchi haubvirwe kutorwa hwese mumukoko, tinofanirwa kusiya humwe hwekuti dzidye tikapedza hwese dzinogona kubva pamukoko” VaMutakati vanotsanangura

Mukuru wechirongwa chekuchengetwa kwenyuchi mumatunhu madiki eKariba neHurungwe kuMashonaland West, uye vachishanda nechikoro chepamusorosoro cheUniversity of Zimbabwe, VaElmon Dhlomo, vanoti kuchengetwa kwenyuchi kunoderedzawo kushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change.

“Kuchengetwa kwenyuchi kunoderedzawo kushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change” VaDhlomo vanozivisa.

Nyuchi dzave kubatsira kudzinga nzou muminda.
Nyuchi dzave kubatsira kudzinga nzou muminda.


Mumwe anotungamira chirongwa ichi kuMashonaland Central vachishanda nerimwe sangano rinoshanda neUNDP, VaRichman Ziome, vanoti vagari vanosvika mazana mashanu vabatsirika nechirongwa chekuchengeta nyuchi mumatunhu eMashonaland West neMashonaland Central, vachiti vari kuenda nechirongwa ichi kune mamwe matunhu emunyika munguva pfupi iri kutevera.

“Chironga chekuchengeta nyuchi chiri kutambirwa zvikuru zvekuti vanhu vanodarika mazana mashanu kubva kumatunhu eMashonaland West neMashonaland Central vakapinda muchirongwa ichi” VaZiome vanotsanangura.

Mutauriri weEnviromental Management Agency – EMA, mudunhu reMashonaland West, VaMunyaradzi Nhariswa, vanokurudzira kuchengetwa kwenyuchi vachiti zvinoitawo kuti vagari vachengetedzewo masango kubva kunjodzi yemoto.

“Tino kurudzira kuchengetwa kwenyuchi sezvo kuchiita kuti vagari vachengetedzewo nharaunda kubva kunjodzi yemoto” VaNhariswa vanotsanangura

Vanochengeta nyuchi havakurudziri kushandisa moto pakukohwa huchi hwavo, uye vanodzidziswa kushandisa hutsi chete, kana kupfeka mbatya dzinodzivirira kurumwa nenyuchi.

Mukoko wenyuchi.
Mukoko wenyuchi.

Vachishanyira vagari vari kuchengeta nyuchi nekuita zvirongwa zvekuomesa hove, pamwe nekuchengeta huku dzechibhoyi kuKariba munguva pfupi yapfuura, mumiriri weUnited Nations munyika kana kuti UN Resident Coordinator, VaEdward Kallon, vakati vagari vanofanirwa kuregedzwa vachizviitira zvinhu zvavo vega senzira yekuti vadzidzire kuzviriritira.

Varimi vakawanda munyika vasiri pasi pezvirongwa vanonzi vave kupindawo mukuchengeta nyuchi senzira yekuwana nayo cheuviri kunze kwekumirira kutengesa zvemumunda kana mumapindu.

Munyika munofungidzirwa kuti mune varimi vari kuchengeta nyuchi zvemhando yepamusoro vanodarika zviuru makumi mashanu, kana kuti 50 000.

Vanonzi vanonyanyotenga huchi hunowanika munyika ndevanogadzira zvidyiwa zvakaita semakeke, vanogadzira mishonga yekunakisa ganda nebvudzi, pamwe nevanogadzira mishonga yekurapa pamwe nemishonga yebhutsu nekuchenesa mudzimba, nezvimwe zvigadzirwa.

Huchi.
Huchi.


Asi nyuchi dzinonzi dziri kuderedzwa huwandu hwadzo nemimwe mishonga inonzi iri kushandiswa nevarimi kuti vawane goho rakakura inosanganisa yekuuraya tumbuyu, kuuraya sora, yekukudza zvirimwa nemimwe yakadaro.

Humwe huchi hunowanikwa munyika hunonzi hunotengeswawo kunze kwenyika. Ethiopia, iyo inonzi ndiyo ine huchi hwakawandisa muAfrica, ndiyo inonzi inonyanya kutenga huchi kubva kuZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG