Accessibility links

Breaking News

Varimi veGorosi Vochema neMvura Yakanaya muNyika Iyo Vanoti Yave kuKanganisa Gorosi reMuchando Richiri muMunda


Murimi wegorosi wekuUmguza, mudunhu reMatabeleland North.
Murimi wegorosi wekuUmguza, mudunhu reMatabeleland North.

Vamwe varimi vegorosi munyika vanoti mvura iri kunaya mune mamwe matunhu emunyika yave kukanganisa gorosi ravo richiri mumunda ranga rasvika pakuti richikohwewe, vachiti rave kumereswa nemvura iyi izvo vanoti zvichaderedza gohwo ravo.

Mvura yakanaya mukutanga kwesvondo rino yakafarirwa zvakanyanya nevamwe varimi, zvikuru vari kugadzirira minda yavo, asi varimi vegorosi vanoti yakaunza hunyoro hwakawanda uhwo hwave kuomeresa gorosi ravo.

Varimi ava vanoti kumera kwegorosi richiri muminda kunoderedza goho ravo, uye gorosi rinodzikira hunaku hwaro, kana kuti quality.

Varimi vanoti gorosi rave kumera riri mumunda.
Varimi vanoti gorosi rave kumera riri mumunda.


Varimi vane michina yekuomesa gorosi, kana kuti ma dryer ndivo vangangogona kukohwa sekutarisira kwavo.

Mumwe murimi wekuChegutu mudunhu reMashonaland West, VaPenikati Magwada, vanoti gorosi ravo rakanaiwa kwemazuva maviri, richadzikira hunaku hwaro zvichaita kuti riiswe mugiredhi repasi, izvo zvichavapa mari shoma pane yavange vachitarisira.

“Iye zvino gorosi rangu ranaiwa kwemazuva matatu zvinoreva kuti hunaku hwegorosi rangu huchadzika” VaMagwada vanotsanangura,"

Munda wegorosi kuMashonaland Central.
Munda wegorosi kuMashonaland Central.

Mumwe murimi wekuMashonaland Central, VaRemigio Makaki, vanoti gorosi ravo rave kutooneka kuti rave kumera.

“Gorosi rangu ratove kutomera richiri mumunda zvichaderedza gohwo rangu gore rino”VaMakaki vanozivisa

Mumwe murimi wekuMarondera mudunhu reMashonaland East, VaTichaona Nhowe, vanoti vave kutoomesa gorosi ravo nekuti havazive kuti mvura ichapera riinhi.

“ Ndave kutoomesa gorosi rangu nekuti handizive kuti mvura ichapera kunaya riini”VaNhowe vanotsanangura

Murimi ane mukurumbira mudunhu reMashonaland West, VaTinashe Ziki, vanokurudzira varimi vegorosi kuti vatenge michina yekuomesa gorosi kuti vasarasikirwe negorosi kana mvura ikanaya zvisingafungidzirwe sezvakaitika.

Murimi wekuUmguza achiomesa gorosi rake.
Murimi wekuUmguza achiomesa gorosi rake.

“Varimi vanofanirwa kushingaira kutenga michina yekuomesa gorosi kunyange zvichireva kuita mudengu mudengu nekuti zvinoyamura munguva dzekunaya kwemvura varimi vachiri kukohwa” VaZiki vanoyambira

Mumwe murimi wegorosi kuMidlands, VaTatenda Makwavarara, vanoti kana murimi asina michina yekuomesa nayo gorosi rake anofanirwa kukurumidza kurima mumwedzi waChivabvu kuti azokurumidzawo kukohwa mvura isati yaturuka, kusanganisira yebumharutsva.

Asi VaZiki vanokurudzira varimi, kunyanya vegorosi, kuti vatore inishuwarenzi kuitira kuti vazobhadharwa kana paita matambudziko anoparadza zvirimwa zvavo, akaita semoto kana mvura sezvave kuitika izvi.

Gorosi.
Gorosi.


“Varimi vanofanirwa kutora maInishuwarenzi kuti vazobhadharwa kunyange vakapisirwa mbeu dzavo nemoto kana kunaiwa sezviri kuitika” VaZiki vanokurudzira vamwe varimi

Sachigaro wesangano reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanokurudzira varimi vegorosi kuti vakurumidze kurima kuti vange vapedza kukohwa muvhiki rekutanga mumwedzi waGumiguru.

“Varimi vanofanirwa kukurumidza kurima gorosi kuti vazokurumidza kukohwa mvura isati yaturuka kana kunaiwa nemvura yebumharutsva” Amai Jiti vanoyambira varimi

Munyori mukuru mubazi rezvekurima, VaObert Jiri, vanoti varimi vegorosi ngavambomira kukohwa kana vasina michina yekuriomesa, vachiti gorosi rimbotanga rarohwa nezuva riri mumunda kuitira kuti hunyoro hudzikire.

Gorosi rinofanirwa kudzika hunyoro kusvika pamadhigirii gumi nerimwe, kana kuti 11 degrees kuti rikohwiwe pasina dambudziko.

Gorosi richikohwewa.
Gorosi richikohwewa.


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinoti zviroto zvebazi rezvekurima zvekuti varimi vachakohwa matani mazana mana nemakumi mana ezviuru zvine mazana masere ane makumi mana nemana, kana kuti 440 844 metric tonnes, pama hekiteya zviuru makumi mapfumbamwe nezana rine makumi mapfumbamwe nemaviri akarimwa nyika yose.

Hurumende yakazivisa mwedzi wapera kuti ichange ichitenga tani regorosi nemadhora ekuAmerica anoita mazana mashanu nemakumi maviri, kana kuti US$520.00.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG