Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzira Kuti Kuvandudzwa kweDhamu reKariba Kupedzwe neNguva Yakatarwa


Dhamu reKariba iro rinowanisa Zimbabwe neZambia magetsi.
Dhamu reKariba iro rinowanisa Zimbabwe neZambia magetsi.

Hurumende iri kukurudzira kuti kuvandudzwa kwedhamu reKariba kuri kuitwa neZimbabwe neZambia dzakabatana, uko kwakatangwa muna 2017, kupere nenguva yakatarwa kuitira kubatsira nyika mbiri idzi kuti dzikwanise kuwana magetsi anodzikwanira uyewo zvakare kuvandudza nyaya dzehupfumi kuburikidza nekushanyirwa.

Vachitaura pavakashanyira dhamu reKariba nemusi weChina, gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaEdgar Moyo, vakati hurumende dzeZimbabwe neZambia dzinoda kuti basa rekuvandudzwa kwedhamu iri ripedzwe mukutanga kwa 2025 sezvakatarwa uye basa iri riitwe nemazvo.

Vati, “Kugadziriswa kwe plunge pool kwave pa84 percent kuti kupere uye tine chivimbo kuti vari kuita basa vachakurumidza. Kuvandudzwa uku kwanonokwa saka tiri kutarisira kuti basa iri ripere panguva dzakatarwa.”

Dhamu reKariba
Dhamu reKariba

Munyori mukuru mubazi rinoona nezvenhando dzemoto, Amai Gloria Magombo, vati kuvandudzwa uku kuchabatsira kugayiwa kwemagetsi akawanda pamwe nekuona kuti bhiriji repadhamu iri harichina njodzi.

Vati, “kana tagadzirisa dhamu redu rinenge risisina njodzi uye tinenge tagadzirisa nyaya yekugayiwa kwemagetsi. Pamusoro pazvo kana tavandudza dhamu nebhiriji zvinoreva kuti tichaita mamwe makore makumi mashanu tichishandisa pasina dambudziko.”

Boka rinoona nezvekuchengetedzwa kwedhamu iri nekuvapo kwemvura, reZambezi Water Authority, iro rine vanhu vekuZimbabwe neZambia rinoti dhamu reKariba rinogaya magetsi anosvika mamegawati zviuru zviviri nezana, kana kuti 2,130Mega Watts, ayo anoshandiswa nenyika mbiri idzi.

Amai Magombo vatiwo kuvandudzwa kwedhamu iri kuchabatsira vanorarama nekuredza, kubatsira kuti vashanyi varambe vachiuya munyika zvinosimudzira nyaya dzekushanyirwa, uye kubatsira vanopfuura nepabhiriji iri.

Dhamu reKariba rinowanisa vagari hove.
Dhamu reKariba rinowanisa vagari hove.

Mukuru anoona nezvekuvandudzwa nekuchengetedza dhamu iri ari pasi peZambezi Water Authority , Engineer Sithembinkosi Zwelibanzi Mhlanga, vati basa riri kufamba zvakanaka uye tarisiro yavo ndeyekuti vapedze basa iri muna 2025 sezviri kutarisirwa.

Vanotiwo dhamu iri riri kugadziriswa mushure mekukukurwa kwanga kwave kuitika kumudhuri waro izvo zvange zvakutyirwa kuti zvaigona kukonzera kuparara kwedhamu iri.

Vati, “Changa chaitika chiri kukonzerwa nechimwe chirwere che concrete chinonzi Alkali Aggregate Reaction (AAR), icho chakazivikanwa mushure mekuvakwa kwedhamu reKariba.

Mvura mudhamu reKariba.
Mvura mudhamu reKariba.

"Mazuva ano vanhu vanozama kuidzivirira nekusaisa imwe mhando yedombo inokonzera dambudziko iri. Dambudziko iri ranga richikonzera kubhenda kwemasimbi emudhamu iri. Dambudziko ratave kugadzirisa iri ranga raita kuti tisava neidi rekuti tichakwanisa kuramba tichigaya magetsi aya here kwemakore anotevera.”

Dhamu reKariba riri kuvandudzwa nemari yekuAmerica inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemana (294million USD) uye sangano reEuropean Union (EU) ndorakabatsira nyika nemari yakawanda.

Mumiririri weE-U muZimbabwe, VaJobst Von Kirchmann, vati sangano ravo rakaona zvakakodzera kubatsira kuvandudza dhamu iri senzira yekudzivirira ndufu dzaizokonzerwa nekuondomoka kwedhamu iri uye magetsi aizorasikirwa neZimbabwe.

Vati,”Kana dhamu iri rikadhirika hazvirevi kukanganisa kwekuwaniswa kwemagetsi chete asi vanhu vanodarika 500 000 vanofa uye vanhu 3 million vanokanganiswa mararamiro avo.”

Mhuka muKariba.
Mhuka muKariba.

Vamwe vari kubatsira Zimbabwe neZambia nemari yekugadzirisa dhamu iri vanosanganisira World Bank, SIDA nebhanga re African Development Bank, AFDB.

Vamwe vaiva pachiitiko ichi vanosanganisira mumuririri weEU neComesa kuZambia, Amai Karoline Stasiak, nevakuru vanoona nezvemhando dzemoto kuZambia.

Dhamu reKariba rinowanisa vagari vemunharaunda yeKariba hove uye kupawo vashanyi vanobva munyika nekunze kwenyika mukana wekutandara vachiona mhuka, pamwe nekuraura vachitamba zvavo nemvura.

Dhamu iri rakavakwa murwizi Zambezi kubva muna 1957 kusvika muna 1959, uye rinotakura mvura ine huwandu hwunosvika 181 billion cubic meters.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG