Accessibility links

Breaking News

Zvipfuyo Zvakawanda Zvowira muMakomba Ari Kusiiwa Asina Kuvharwa neVari Kuchera Zvicherwa Zvisiri paMutemo


Vari kuchera zviri kunze kwemutemo vanonzi vari kusiya mazikomba asina kuvharwa.
Vari kuchera zviri kunze kwemutemo vanonzi vari kusiya mazikomba asina kuvharwa.

Zvipfuyo zvakawanda zviri kutyoka makumbo mushure mekunge zvawira mumakomba ari kusiiwa asina kuvharwa nevanhu vari kuchera zvisiri pamutemo zvicherwa munzvimbo dzakasiyana siyana.

Vanhu vakawanda vanoti makomba ari kusiiwa asina kufuchirwa aya ari kukanganisawo nharaunda dzavo pamwe nekuvhara nzizi, uye kukuvadza zvipfuyo zvavo.

Mumwe anoti akarasikirwa nemombe mbiri dzakawira mumakomba aya gore rino ndiVaAmon Munyorovi, avo vanogara kuChikuti mudunhu reHurungwe kuMashonaland West.

“Handisi kufara nemombe dzangu dzakafa nekuda kwemakomba anosiyiwa nemakorokoza. Vanofanirwa kufutsira makomba avo” VaMunyorovi vanochemachema.

vamwe vari kuchera nemumisha yevanhu.
vamwe vari kuchera nemumisha yevanhu.

Mumwe mugari weBindura mudunhu reMashonaland Central, VaChristopher Muneri, vanoti vashandi veEnviromental Management Agency kana kuti EMA, havasi kuita basa ravo nemazvo.

“Goridhe rinowanikwa munzvimbo rigocherwa zvigopera vanhu veEMA vasati vauya. Kuno ndakavaona kamwechete mumakore mana,” VaMuneri vanotsanangura.

Mumwe anochera goridhe zvisiri pamutemo uyo ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Monya, anoti chimwe chinoita kuti vasatsvaga mapepa epavanochera inyaya yekuti zvinokwezva vakuru vezvematonherwo enyika, avo vanosvikovabvisa vachiburitsa mapepa avanoti enenge agadzirwa nechimbichimbi kuitira kuvabvisa.

“Takadzidza kuti ukaenda uchida magwaro emugodhi kuMinistry haupihwe asi unozoona ma politicians ave kuuya nemagwaro vachiti inzvimbo yavo yavakapega kare.”

Makomba aya anonzi anokanganisawo nharaunda.
Makomba aya anonzi anokanganisawo nharaunda.

Vachikumbira kuti vamwe vemigodhi mikuru yakaita seZimplats, Golden Valley nemimwe vaite mubatira pamwe padambudziko reku Bay Horse Mine, gurukota reMashonaland West, Amai Marian Chombo, vakati dambudziko rekuwirwa kwevanochera zvicherwa iri ratekeshera nenyika zvekuti hurumende yega haikwanise kurimisa iri yoga.

“Hurumende yakaremerwa zvinotoda kushandira pamwe ndosaka tichikumbira vemakambani makuru akaita seZimplats, Golden Valley nemamwe kuti vauye kuzoyamura pano paBay Horse Mine,” Amai Chombo vanokumbira.

Mukuru weCentre for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti kucherwa kwezvicherwa zviri kunze kwemutemo kwawedzera zvave kuita kuti vamwe vapinde nemumigodhi yakavharwa nezvikonzero zvakasiyanasiyana, izvo zvine njodzi.

“Migodhi iyi yakamboshanda ikavharwa asi nhasi yavhurwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Ndiyo iri kuurayisa vanhu,” VaMaguwu vanotsanangura

VaMaguwu vanoti rimwe dambudziko nderekuti migodhi yakawanda yave yevezvematongerwo enyika vasina ruzivo uye vasingatevedzere mitemo yekuchera zvisina njodzi.

“Rimwe dambudziko ndere kuti vakuru vezvematongerwo enyika ndivo vave nemigodhi nekudaro hapana kuongororwa kunoitwa migodhi yavo,” VaMaguwu vanoenderera mberi.

Vanochera goridhe zviri kunze kwemutemo.
Vanochera goridhe zviri kunze kwemutemo.

Mumwe ane kambani yekuchera zvicherwa, Muzvare Chiedza Chipangura, vanoti mimwe migodhi haina varidzi sezvo vachizotiza kana paita njodzi sezvavanoti zvakaitika paBay Horse Mine.

Mukuru weEMA mudunhu reMashonaland West, VaWeston Mapako, vanoti vanhu vari kuchera zvicherwa panzvimbo dzisina kutarwa vari kuzviita kunze kwemutemo.

VaMapako vanoti kuti munhu kana kambani vabvumirwe kuchera zvicherwa vanofanirwa kunge vaine gwaro rekuti nharaunda ichadzoreredzerwa sei kana kuti Environmental Impact Assessment.

“Munhu kana kambani inobvumirwa kuchera zvicherwa chete kana paine gwaro rinoratidza kuti nharaunda ichakuvadzwa zvakadii pamwe nekuti ichadzoreredzerwa sei kana kuti Environmental Impact Assessment,” VaMapako

Makore maviri apfuura vanhu gumi nevapfumbamwe vakafira mumugodhi weCricket mudunhu reMashonaland West.

Mimwe migodhi yakadhirika ikauraya vanhu inosanganisira Rein Mine kuMashonaland Central, neRed Wing kuPenhalonga kuManicaland.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG