Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari veKumaruwa Vorarama neKutengesera Parutivi peMigwagwa Mikuru Vachitiza Mitemo yeMakanzuru


Mumwe wevanotengesera parutivi pemugwagwa, Amai Angeline Chaka.
Mumwe wevanotengesera parutivi pemugwagwa, Amai Angeline Chaka.

Vamwe vagari vekumaruwa vanorarama nekutengesa mumigwagea mikuru zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvirimwa, zvivezwa nemichero yakasiyanasiyana vanoti vari kuita izvi nekuda kwekutiza mitero iri pamusoro munzvimbo dzekutengesera dziri pasi pemakanzuru.

Izvi zviri kuisawo hupenyu hwevanotengesa ava munjodzi nekuda kwekumhanyira mumigagwa kunoitwa nevamwe, vamwe vachipedzisira vatsikwa.

Vanotengesa ava, vazhinji vanove madzimai, vanoti mumigwagwa mavanotengesera havabhadhare mitero yavanoti yakawandisa kumakanzura enzvimbo dzavo.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti makanzura akawanda anobhadharisa mari inoenderana nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi maviri kusvika pamadhora makumi matatu pamwedzi, mamwe achibhadharisa dhora rekuAmerica rimwe chete pazuva.

Mumwe ari kurarama nekutengesa zviyo nemhunga pamugwagwa ndiAmai Angeline Chaka, vanogara kuBubi mudunhu reMatebeleland North, uko kunoshandiswa mari yema Rand ekuSouth Africa zvakanyanya.

Amai Chaka vanoti vanotenga mhunga kana zviyo kubva kune mamwe madzimai nema Rand makumi masere pabhagidhi, ivo vozoritengesa nema Rand zana nemakumi matatu, zvinoita kuti varambe vari mubhizinisi iri.

“Tinotenga kunana amai vanenge vachitengesa kuti vawane mari yekubhadharira vana mari dzekuchikoro” Amai Chaka vanotsanangura

Amai Chaka vanokurudzira vamwe madzimai kuti vasagarira maoko kunyange zvinhu zvakaoma sei.

“Ini ndakatanga kutengesa gore rapera, tainge takangogara asi taka kurudzirwa nemamwe madzimai nekudaro NDINI kurudzira mamwe madzimai kuti varime mhunga kana zviyo zvinoita muno vachizotengesa” Amai Chaka vanokurudzira mamwe madzimai

Mumwe anorarama nekutengesa mumigwagwa, Amai Chenai Motsi, vekuNyamakate mudunhu reMashonaland West, vanoti kunyange zvakaoma vari kukwanisa kurarama kuburikidza nebhindauko ravari kuita rekutengesa huswa.

“Ndinorarama nekutengesa uswa hwandinorima nemhuri yangu asi humwe ndinotenga kunevamwewo” Amai Motsi vanotsanangura

VaGerald Ngariwore vekwaMurehwa, mudunhu reMashonaland East, vanoti vanochera matombo akapamhamha (flat) ekuvakisa anowanikwa munzvimbo yavo vachiatengesera vanopfuura nemugwagwa.

“ Hapana zvimwe zvekuita ndinochera matombo ekuvakisa dzimba ayo anotengwa nevapfuuri asi tinotorarama” vanodaro VaNgariwore.

Manwiwa
Manwiwa


Vamwe vanotengesa muriwo nemadomasi pedyo nepaMurombedzi vanoti vanoda kuzivikanwa saAmai Mercy, vanoti mari madhora gumi avanonzi vabhadhare pamwedzi akawanda sezvo kanzuru pasina nzvimbo dzekutengesera dzairi kuvaka.

Panyaya yekudhura kwemitero yemakanzuru, Sachigaro wekanzuru yekumaruwa eZvimba, yeZvimba Rural Council, Amai Tsitsi Chipunza, vanoti vanotengesa havadi kubhadhara mitero kunyange vakadzikisa mitero yevanotengesa kubva pamadhora emunyika anoenderana nemadhora ekuAmerica makumi maviri kusvika pamadhora gumi pamwedzi.

“Ma vendor vane chijairire chekusada kubhadhara mitero kunyange tikaderedza mitero yacho” Amai Chipunza vanopomera mhosva vanotengesa

Kunyange hazvo vari kunzvenga kubhadhara mitero kumakanzuru, vatengesi ava vari kuzviisawo munjodzi huru yekutsikwa nedzimotokari pavanomhanyira kudzimotokari kana mabhazi zvinenge zvamira parutivi pemigwagwa.

Mutauriri webazi reTraffic Safety Council of Zimbabwe, Muzvare Lucy Kuwandiwa, vanoti kunyange hazvo vanhu vachitsvaga kurarama, vanokurudzira vanotengesa ava kuti vasamhanyire kune rumwe rutivi rwemugwagwa sezvo izvi zviine njodzi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commission Paul Nyathi, vanoti kune vanorarama nekutengesa vanotsikwa nedzimotokari nemabhazi vachida kuyambuka migwagwa kuenda kunotengesera kune rumwe rutivi rwemugwagwa kunenge kwamira motokari dzevanenge vachida kutenga. Assistant Commisioner Nyathi vanoti vanga vasati vave nehuwandu hwevanhu vakakuwara kana kurasikirwa nehupenyu mutsaona dzakadaro munyika yose.

Kunyange hazvo kutengesera parutivi pemigwagwa yekumaruwa chisiri nchinhu chitsva, huwandu hwevanhu vave kurarama nekuita izvi hunonzi huri kuramba huchikwira, izvo nyanzvi dzinoona nezvehupfumi dzinoti mucherechedzo wekuoma kwaita hupenyu kwese kumaruwa nekumadhorobha.

Vamwe varimi vanonzi havachaendawo nezvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board -GMB vachiti kutengesera mumigwagwa kunovawanisa mari yakawanda kudarika yavanowana kuGMB, uye zvinovawanisa mari yemadhora ekuAmerica pakare ipapo vasina kuburitsa mari yekutakurisa,kuenda kuGMB.

Forum

XS
SM
MD
LG