Accessibility links

Breaking News

Vagari veKumaruwa Vakawanda Vochema Kuti veZvitoro Vari Kukwidza Mitengo Uye Kuramba Madhora emuNyika


Vezvitoro vanonzi vari kuramba kutambira dhora remunyika nekuda kwekusagadzikana kwaro.
Vezvitoro vanonzi vari kuramba kutambira dhora remunyika nekuda kwekusagadzikana kwaro.

Vagari vakawanda munyika, zvikuru vekumaruwa, vanoti hupenyu huri kuramba huchioma zvekuti vemabhizinisi vave kuramba mari yemunyika zvisineyi nekuti vachangobva kunosarudza vatungamiri vatsva.

Munzvimbo dzekumaruwa dzakashanyirwa neStudio 7 mumatunhu eMashonaland West, Mashonaland Central neMashonaland East, vagari vakawanda vakagumbuka nezviri kuitwa nevemabhizinisi zvekuramba mari yemunyika vachiti vanoda madhora ekuAmerica chete.
Mumwe asiri kufara nekumanikidzwa kutenga nemadhora ekuAmerica ndiAmai Delite Ngwaru vekwaMusambakaruma mudunhu reMashonaland West, avo vanoti kurambirwa kutenga nemari yemunyika kwavawomesera hupenyu hwavo sezvo pasina kwavanowana madhora ekuAmerica.

“Hupenyu hwatiri kurarama huri kuramba huchioma zvakanyanya nekuda kwekumanikidzwa kutenga nemadhora ekuAmerica sezvo pasina kwatinoiwana” Amai Ngwaru vanotsanangura.

Mitengo yezvinhu inonzi yakwirisisa.
Mitengo yezvinhu inonzi yakwirisisa.


Amai Ngwaru vanoti pamusoro pekurambirwa kutenga nemadhora emunyika, zvinhu zvakawanda muzvitoro zvave kudhura zvakanyanya, vachipa muenzaniso wekuti marita maviri emafuta ekubikisa ari kuita madhora matanhatu nechidimu kumaruwa kwavagere asi achitengwa nemadhora mana chete kumaguta.

Kusamira zvakanaka kwemigwagwa ndechimwe chikonzero chinonzi chiri kuwedzera kukwira kwemitengo yezvinhu sezvo vedzimotokati vachidhurisisa kana migwagwa yakaipa.

VaLameck Goredema vekuGuruve mudunhu reMashonaland West, vanoti vemabhizinisi havachada kutambira mari yemunyika anove mabhondi uye kunyange paine chenji vanoti mutengi atore chimwe chinhu chinoenderana nechenji yake.

Madhora emunyika.
Madhora emunyika.


“Chinonyanya kurwadza ndechekuti kana paine chenji unomanikidzwa kutenga zvinhu zvinoenderana nechenji kunyange usingazvide” VaGoredema vanochemachema.

Kudhura kwezvinhu kumaruwa kunonzi kwave kutadzisa madzimai akawanda kutenga zvikwanisiro zvekushandisa panguva yavo yekutevera, sekutaura kwemumwe mudzimai wekuMarondamashanu mudunhu reMashonaland East.

“Tave kutadza kutenga ma pads nekudhura kwezvinhu vamwe vave kutoshandisa zvidhende zvisina hutsanana” mumwe mudzimai anotsanangura.

Price hikes in rural areas
Price hikes in rural areas


Asi mumwe muzvinabhizinisi kuGuruve, kuMashonaland Central, VaOnisimo Rukate, vanoti zvinhu zvinozodhura nekuda kwemari yekutakurisa yavanowedzera sezvo vachitenga zvinhu kubva kuHarare.

VaRukate vanoti kwavanohodha hakutambirwe madhora emunyika kanawo kuti vashandise makadhi ekumabhanga, kana kuti ku swiper, izvo zvavanoti zvinozoita kuti vatengesewo nemadhora ekuAmerica chete.

“Hatina zvekuita asi kutotengesa nemadhora ekuAmerica sezvo tichibvumirwa kuhodha nemadhora ekuAmerica chete” VaRukate vanozivisa

Vachitora mhiko yekuva mutungamiri wenyika neMuvhuro svondo rino, VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti vachaita zvose zvavanogona kurerutsa hupenyu hwevanhu, zvikuru vekumaruwa.

Kunyange hazvo vamwe vemabhizimusi vari kunzi vari kuramba kutambira madhora emunyika, hurumende yakayeuchidza veruzhinji kuti dhora remunyika ndiro richiri mari inobvumidzwa kushandiswa zviri pamutemo, kunyange hazvo nyika ichishandisawo madhora ekuAmerica nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kurambwa kwemari yemunyika nevanotengesa zvinoratidza kuti vanhu munyika vave kushandisa madhora ekuAmerica zvakanyanya kudarika zviri kufungidzirwa nehurumende.

Chitoro chekumaruwa
Chitoro chekumaruwa


“Izvi zviri kukonzerwa nekuti vanhu vave kushandisa mari yekunze zvakanyanya kudarika mari yemunyika” VaChitambara vanotsanangura

Mumwe anoongorora zvehupfumi achishanda neGIMRI Finance, VaGilbert Muponda, vanoti chinofanirwa kuitwa kugadzirisa dambudziko iri kukudzurudzwa kwemari kuti pave neZWL$1,000.00 kana ZWL$5,000.00 yakabatana kuitira kuti vanhu vakwanise kugarisa mari muchikwama kwete mumabhegi sezvavari kuita pari zvino.

“Zvinoreva kuti mari yemabhondi inofanirwa kukudzurudzwa kuti tive nemari inosvika ZWL$1000.00 kana ZWL$5 000 yakabatana”VaMuponda vanopa pfungwa dzavo

Gore rino hurumende yakamboumba komiti yemakurukota matatu kuti iwongorore kukwidzwa zvakanyanya kwemitengo panguva iyo nyika yakanga yave kuenda kusarudzo, asi kusvika pari zvino komiti iyi hapana chayati yaita nezvenyaya yekukwidzwa kwemitengo iyi.

Mafuta ekubikisa.
Mafuta ekubikisa.


Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kanawo gavhuna weR-B-Z, Doctor John Mangudya kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi. Asi vanogara havo vachiti hundyire hwevemabhizimisi huri kupa kuti vadhurise zvinhu. Asi vemabhizimisi vanoti mitemo yehurumende isina kujeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG