Accessibility links

Breaking News

Varimi Vakawanda Vodhurirwa neGadziriro yeMuminda Apo Vatarisana neMwaka Mutsva weKurima


Varimi vanoti kugadzirira mwaka mutsva wekurima kwave kuvadhurira zvakanyanya.
Varimi vanoti kugadzirira mwaka mutsva wekurima kwave kuvadhurira zvakanyanya.

Varimi vakawanda munyika avo vari pakati pekugadzira mwaka wekurima unotevera, vanoti zvave kuvadhurira kuita gadziriro yakakwana muminda yavo.

Varimi vechibage vanoti vanofanirwa kunge vachirima minda yavo nguva ino segadziriro yemwaka asi nekuda kwekuti vazhinji vavo vakarasikirwa nemombe, vanoti vave kumanikidzwa kubhadhara matarakita kuti vakwanise kuita izvi, izvo zvanoti zvinoda mari yakawanda. Vachine mombe vanotiwo kurima negejo rinodhonzwa nemombe kunoremera mombe sezvo pasi pachakaoma zvakanyanya.

Varimi ava vanoti zvinoda madhora ekuAmerica makumi mashanu kana kuti US$50 kana kudarika kurimirwa hekiteya imwe chete netarakita. Pamusoro pemari iyi murimi anofanirwa kuzotenga zvakare dhiziri rinosvika marita makumi maviri, ayo anonzi anodiwa pakurima hekiteya imwe chete.

Kubhadhara matarika kunonzi kwave kudhura.
Kubhadhara matarika kunonzi kwave kudhura.


Ukuwo, varimi vefodya, avo vari kutanga kudyara fodya yavo, vanoti kuisa mihomba kana marhiji pavanozodyara fodya yavo zvinovadhurira.

Murimi wekuBanket mudunhu reMashonaland West, VaSeverino Rukuni, vanoti vanodhurirwa kurimisa minda yavo sezvo vaine mahekiteya anodarika makumi maviri avanofanirwa kurima mwaka wega wega.

"Kurimisa netirakita kunodhura zvekuti hekiteya imwechete inorimiswa nemadhora US$50 wozotenga 20 litres dzedhiziri" VaRukuni vanotsanangura.

VaRukuni vanoti zvirongwa zvehurumende zvinobatsira varimi hazvipindire mukurimisa minda izvo zvinoisa varimi parumananzombe.

"Rimwe dambudziko nderekuti zvirongwa zvehurumende hazvisi zvekurimisa gadziriro yekurima"VaRukuni vanozivisa.

Mumwe murimi wefodya wekuMarondera mudunhu reMashonaland East, VaRegis Feremayi, vanoti gadziriro yefodya inodya mari yakawanda.

"Zvinodhura kugadzirira mariji ekudyarira fodya uye kutenga mbeu inonge yakadyarwa" VaFeremayi vanotsanangura.

Gadziriro yemurimi haisi yemumunda chete asi kuona kuti mbeu yaachadyara yatengwa nguva iripo here kana asingapihwe nehurumende kana nemakambani anobatana nevarimi nemamwe masangano anopa rubatsiro, sekutaura kwaVaMasimba Phiri, vanorima kuChegutu kuMashonaland West.

"Gadziriro inosanganisira kuziva mbeu yauchadyara nenguva yekudyara kusanganisira nekubhajeta mari yazvinotora" Va Phiri vatsanangura.

Varimi vanokurudzirwa kupisa mashanga.
Varimi vanokurudzirwa kupisa mashanga.


Segadziriro yekurima, mudhumeni mukuru mudunhu reMashonaland West, Amai Agnes Ndoro, vanoyambira varimi kuti vateme nekupisa mashanga nemagunhi echibage, fodya nedonje senzira yekudzivirira kutakura zvirwere zvemumwe mwaka kuenda nazvo mune mumwe.

"Tinokurudzira kuti varimi vapise magunhi edonje nemashanga senzira yekudzivirira kuti zvipukanana zvisaende kune mumwe mwaka" Amai Ndoro vanotsanangura.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti varimi vanofanirwa kukurumidza kurima kuitira kuti mvura ikakurumidza kuenda mbesa dzinosvika.

Kunyangewo varimi vanoyamurwa nezvirongwa zvehurumende zvakaita sechemutungamiri wenyika chePresidential Input Scheme nezvimwe vanoti vave kufanotenga mbeu nefotireza sezvo zvavanopiwa nehurumende zvichinonoka zvekuti dzimwe nguva vamwe vanozopihwa mbeu pasina fotireza vamwe vachipihwa fotireza pasina mbeu kana kuzviwamiswa mwaka wekurima kwatove pakati.

Fotereza inonzi yave kudhurawo zvakare.
Fotereza inonzi yave kudhurawo zvakare.

Munyori mubazi rezvekurima, VaJohn Mbasera, vanoti hurumende iri kugadzirirawo zvakakwana nekukurumidza kupa vemabhanga neGrain Marketing Board mari kuti vape varimi zvikwanisiro nenguva.

"Tichakurumidza kuti mabhanga neGrain Marketing Board vapihwe mari dzevarimi kuti varimi nguva iripo kwete zvagara zvichiitika" VaMbasera vanozivisa.

Varimi vanokurudzirwawo kuti vaende neivhu ravo kunoongororwa kuti imbeu dzipi dzinokura zvakanaka muminda yavo, dzimwe nguva vachinzi vaise mishonga yakaita se limestone inosimbisa ivhu, inove zvakare imwe mari inenge yave kuburitswa nemurimi mugadziriro yake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG