Accessibility links

Breaking News

Vakamirira Kugadzwa seMutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanovhura Zviri paMutemo Harare Agricultural Show Vachikurudzira Kubatana


VaEmmerson Mnangagwa vavhura Harare Agricultural Show zviri pamutemo.
VaEmmerson Mnangagwa vavhura Harare Agricultural Show zviri pamutemo.

Vakamirira kugadzwa semutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira kubatana kwevanhu munyika.

Vachivhura zviri pamutemo musika wekuratidza zvirimwa nezvigadzirwa, weHarare Agricultural Show, VaMnangagwa vati zviri kuitwa nevarimi zvekushandisa humhizha hwechizvinozvino zvinofadza, uye zviratidzwa zvegore rino zvakakosha sezvo zvichipa mukana wekuwedzera ruzivo.

“Ndirikukoka vagari nevese vatinodyidzana navo kuti vatore mukana we show iyoyi inoitwa gore negore kuti vadzidze, vapanane mazano, vaudzane zvavasangana nazvo pamwe nekushambadzira zvigadzirwa zvavo apo tiri kuvaka hupfumi hwenyika yedu zvisinyei nezvirango zvatakatemerwa .”

VaMnangagwa vakurudzirawo kubatana nekushanda pamwechete vachiti sarudzo dzakapera.

"Nekuti sarudzo dzapera ngatichishandai pamwechete tichivaka nyika yedu kuti tizadzise muono wedu weVision 2030,” VaMnangagwa vadaro.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Kunyangwe hazvo VaMnangagwa vataura mashoko aya, munyika mune mutauro pamusoro pezvakabuda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapera, vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi vachiti hadzina kufambiswa zvakanaka neZimbabwe Electoral Commission.

Vaongorori vesarudzo vakabva kune dzimwe nyika vanosanganisira vemasangano eSADC ne African Union, vakashorawo mabatirwo akaitwawo sarudzo idzi vachitiwo dzakanga dzisingafambirane nebumbiro remitemo uye mafambisirwo esarudzo epasi rose.

Mukuru weZimbabwe Agricultural Show, VaAndrew Matibiri, vaudza Studio 7 kuti zviratidzwa zvaunzwa nevarimi pamwe nemakambani gore rino zvakanaka kudarika zvegore rapera. Vati, “Zvauya nevarimi gore tino zvakawanda uye zvakanaka. Tirikuona Chero pakukwikwidzana kuti kunyangwe mamiroro ezvinhu zvakanaka.”

Mumwe wevange vane zviratidzwa, VaDelight Makotose vati kunyangwe hazvo bhizimusi rakatanga rakaderera kutanga kwevhiki rakazokwirira. Vati, “Harare Agriculture Show ndoimwe yamashow inoratidza kuti bhizimusi redu muZimbabwe ririkusimuka uye ririkubudirira. Zvirikutaura zvega kuti zvinhu zvirikufamba zvikuru.”

Harare Agricultural Show
Harare Agricultural Show

Mumwe wevashanya kushowo iyi, Muzvare Abigail Tawengwa, vati vakwanisa kuona zvakawanda zvine chekuita nekurima uye vawanawo ruzivo mune zvakasiyanasiyana.

VaMnangagwa vatambidza mibairo kune vanhu nemakambani vakasiyana siyana vane zviratidzwa zviri kunwisa mvura. Vamwe vevakunda vanosanganisira dunhu reMashonaland East, iro ranzi ndiro rakagonesa muchirongwa chekurima chePfumvudza , kambani yeSeedCo ichiwanawo mubairo wekukunda kune vanoita zvemapindu (gardens). Kambani yemagetsi ZESA yapiwa mubairo wekuva nezviratidzwa zvakanaka gore rino.

Vakaronga Harare Agricultural Show vati makambani mazanu mashanu nemakumi maviri ari kuratidza zvigadzirwa zvawo uye pane makambani matanhatu ekunze kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG