Accessibility links

Breaking News

Harare Agricultural Show Yotanga Asi Kuine Vanhu Vashoma


Harare Agriculture Show
Harare Agriculture Show

Hurongwa hwegore rino hweHarare Agricultural Show, uhwo hunokokerwa neZimbabwe Agricultural Society, hwatanga nhasi muHarare zvisina mutsindo asi paine kurudziro yekurima zvakangwara zvisingakanganisi nharaunda.

Vachitaura pamusangano waitwa kuHarare Agricultural Show nhasi wakokerwa ne The Diplomat Business Networking club, mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaDavid Marapira, vati nyaya yekurima kwakangwara kusingakanganisi nharaunda yakakosha .

VaMarapira vatiwo nyika iri kuitawo zvirongwa zvekushandisa magetsi ezuva ayo asingakanganisi nharaunda sekushandisa marasha.

Mukuru weZimbabwe Agricultural Society, VaAndrew Matibiri, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo nhasi vanhu vari vashoma vati vawana vemabhizimusi vari kuratidzira zvinhu zvavo vakawanda kudarika gore rapera.

VaMatibiri vatiwo Harare Agricultural Show yakakosha nekuti inosanganisa varimi nevemabhizimusi uyewo kuti varimi vaonewo nekudzidza zviri kuitwa nevamwe.

Amai Betser Tigere avo vanogadzira zvakasiyana siyana kubva kumauyu vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi kwange kuchine vanhu vashoma.

VaGift Muduku vanoshanda kuGreenfield Seedlings vati vanotarisira kuwana vatengi vakawanda venhondo dzavari kuratidzira.

Harare Agricultural Show iri kutarisirwa kupera musi wa2 Gunyana, uye iri kuvhurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG