Accessibility links

Breaking News

Highlanders FC Inorohwa Kekutanga muMitambo Castle Lager Premier Soccer League yeMwaka Uno


Chikwata cheHighlanders chrohwa kekutanga mwaka uno.
Chikwata cheHighlanders chrohwa kekutanga mwaka uno.

Highlanders, iyo yanga ichirova zvimwe zvikwata seri neseri kubva zvatanga makundano aya, nhasi yazorodzwa apo yarohwa 2-0 neFC Platinum muMandava Stadium.

FC Platinum yanga isiri kutamba zvakanaka mumitambo yayo yadarika zvekuti vemakuhwa vanga vave kuti murairidzi wechikwata ichi, Norman Mapeza, ari kudzingwa basa.

FC Platinum, inove ndiyo ine mukombe uyu, yave pachinhanho chechishanu nemapoinzi makumi matatu, mapoinzi gumi nerimwechete pasi peHighlanders.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza
Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza

Ngezi Platinum Stars, iyo iri pachinzvimbo chechipiri, yasiiwa nemaponzi maviri chete neBosso mushure nekurova Triangle nezvibodzwa zvitatu iyo isina kudzora kana chimwe nhasi masikati zvekare.

Murairidzi wayo, Takesure Chiragwi, anoti havasi kumhanya asi vari kufamba zvishoma- nezvishoma.

“Urwu irwendo rwatakatasina narwo. Tiri kushanda nesimba kuti tisvike kwatiri kuda kuenda,” anodaro Chiragwi.

Kunyange hazvo yakundwa, Highlanders yaramba iri pamusoro nemapoinzi makumi mana nerimwechete.

Mutsigiri weHighlanders, VaSimbai Mahachi, vanoti kunyange hazvo varohwa nhasi, mukombe watove mumaoko avo.

“Tarohwa hedu nhasi asi mukombe ndeyedu. Ndisu tichapembere pakupers kwegore,” anotaura Mahachi.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti pane zvakawanda zvinoita kuti Highlanders itore mukombe.

Murairidzi weHighlanders, Baltemar Brito.
Murairidzi weHighlanders, Baltemar Brito.

“Maonero angu ndeekuti Highlanders inotora. Ichatamba pamusha nezvikwata zvakawanda, izvo iri kukwikwidza nazvo,” vataura VaKambamura.

Mimwe mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yarambwa nhasi yapera seizvi,

Green Fuel 1-0 Hwange, Chicken Inn 0-0 Cranborne Bullets,

ZPC Kariba 0-0 Caps United, Black Rhinos 2-0 Bulawayo Chiefs.

Mimwe mitambo iriko neSvondo uye inenge yakamira seizvi…

Dynamos vs Simba, Manica vs Herentals, Yadah vs Sheasham.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG