Accessibility links

Breaking News

Vagari veKumaruwa, Varimi Vadiki Vakagariswa Patsva, Vochemachema neKuparara kweNzvimbo dzeMafuro


Mafuro ari kuramba achiita madiki.
Mafuro ari kuramba achiita madiki.

Vagari vekumaruwa pamwe navarimi vadiki vakagariswa patsva mumatunhu akawanda emunyika vochemachema nekwavanoti kupera kuri kuita mafuro ezvipfuwo zvavo dambudziko ravanoti richavamanikidza kuita nhimura miswe, kana kuderedza huwandu hwemombe dzavo.

Vagari nevarimi veminda midiki ava vanoti dambudziko rekushaya mafuro ratekeshera munyika vachiti kumwe kushaikwa kwemafuro uku kuri kukonzerwa nemitemo yavanoti iri kuita kuti vabviswe munzvimbo dzavagara vari dzakatambanuka vachinoiswa panzvimbo diki.

Asi kumwe kushaikwa kwemafuro anokwana kunonzi kuri kukonzerwa nekuwanda kwezvipfuwo munzvimbo duku pamwe nekuparadzwa kwemasango nekuda kwekukura kwemisha pamwe nekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change.

Mafuro ari kupedzwawo nekuwanda kwemisha.
Mafuro ari kupedzwawo nekuwanda kwemisha.

Mumwe murimi wekuHurungwe mudunhu reMashonaland West akagariswa patsva muna 2000 achibva kwaZvimba, VaPanashe Karombe, vanoti nzvimbo yavakagariswa patsva, inova mahekiteya matanhatu pamusha wega wega, haivabvumidze kuita mombe dzinodarika makumi maviri sezvo dzisingazokwanise kuguta mafuro panzvimbo yemahekiteya maviri inove inofanirwa kuita yemafuro.

“Nzvimbo yatakapihwa ye mahekiteya matanhatu idiki kuti munhu achengete mombe dzakawanda”VaKarombe vanotaura

Izvi zvinotsinhirwa nemumwe murimi, VaKainos Buka, vanorima kuChivu mudunhu reMashonaland East, avo vanoti uswa hwave hushoma zvekuti mombe dzavo hadzichagute semakare kare.

“Mazuva ano huswa hwemombe hwave hushoma zvichienzaniswa nenguva yakudhara. Mombe hadzichaguta izvozvi” vanodaro VaBuka

Vamwe vagari vanoti vari kubviswawo nehurumende munzvimbo dzavagere ichipa makambani anochengeta mombe dzemukaka.

Mbudzi nemakwayi
Mbudzi nemakwayi


Misha inodarika zviuru zviviri nemazana maviri ine vanhu vanodarika zviuru gumi nezviviri, kana kuti 12 000, kuChilonga kuChiredzi, dzinonzi dzainge dzakatarisana nekuda kubviswa mumisha yadzo pachishandiswa mutemo weStatutory Instrument 50 wa 2021, kuti nzvimbo iyi ipiwe kukambani yemukaka, yeDendairy kuti irime huswa hwemombe dzemukaka.

Kambani iyi inonzi yakazoita hurongwa kweti vagary ava vachirima ivo sora remombe iri vachipiwa zvikwanisiro. Asi Vamwe vagari vakaita saVaJeremiah Hwiramiti vekwakare kuChiredzi vachiri kutyira kuti vanogona kungobviswa.

“Kubvisa vanhu panzvimbo yemadziteteguru zvinhu zvakaomarara zvikuru” VaHwiramiti vanotsanangura

KuMhondoro-Ngezi kunewo makakatanwa pakati pekambani yeNgezi Platinum nevagari pamusoro pemafuro avo avanoti akapihwa kukambani iyi nehurumende muchirongwa chekuchengeta mombe dzemukaka.

Mugari weku Turf kuMhondoro-Ngezi, VaNoel Mugadza, vanoti vagari hapana chavari kuwana kubva muchirongwa chemombe dzemukaka ichi vachiti mombe dzemukaka idzi dzinonokamirwa kuMarondera.

Varimi vari kukurudzirwa kutsvagira zvipfuwo zvavo chikafu.
Varimi vari kukurudzirwa kutsvagira zvipfuwo zvavo chikafu.


“Hapana zvatiri kuwana papurojekiti yamukaka yeNgezi Platinum sezvo mombe dzinofura kuno asi dzonokamirwa kuMarondera. Mabasa ave kutowanikwa nevanhu vari kuMarondera” VaMugadza vanonyunyuta

VaBuka vanodzoka vachiti vatove kuchengeta mashanga nehuswa hwavari kucheka muchirongwa chiri kukurudzirwa nebazi rekuchengetedzwa kwenharaunda, re Environmental Management Agency-EMA, senzira yekuderedza kuparadzwa kwemasango nemoto.

Mutauriri weEMA munyika yose, Muzvare Edith Chapungu, vanoti vari kudzidzisa vagari nevarimi kuti vasapise masango asi kuti vacheke uswa hwacho vochengetera mombe dzavo.

“Tinonzwa kushushikana nekurwadziwa tichiona masango achiparara nemoto mupengo saka tino kurudzira varimi kuti vapote vachimweta huswa vachiita mapurojekiti akasiyanasiyana anosanganisirawo kugadzi manheru anozodyiwa nemombe” VaNhariswa vanotsanangura

Vamwe varimi vanonzi vave kutenga chikafu chemombe chiri kugadzirwa nechikoro chepamusoro cheChinhoyi University of Technology, CUT, chekuti mombe dzinonanzva dzozonwa mvura.

Chikafu chemombe
Chikafu chemombe


Mukuru papurazi rechikoro chepamusorosoro cheCUT, apo panogadzirwawo chikafu chemombe, VaItai Zengeni, vanoti chikafu chavanogadzira chakanakira kuti chinenge chiine mushonga unouraya makonye emudumbu uye hachidhure

“Bhuroko redu rinorema makirogiramu makumi maviri nemashanu rinodyiwa nemombe gumi pamwedzi uye haridhure” VaZengeni vanotsanangura.

Mukuru mubazi rezvekurima kudivi rezvipfuwo, Muzvinafundo Obert Jiri, vanoti chirongwa chehurumende chekudzorera matanga evagari nevarimi chiri kusangana nematambudziko emafuro ave kuita mashoma.

“Chirongwa chehurumende chekudzoreredza matanga emombe icho chiri kufamba zvakanaka chinoda mafuro emombe akawanda kuti chibudirire” Prof Jiri vanotsanangura

Muzvinafundo Jiri vanokurudzira varimi kuti vatenge chikafu chemombe asi vachiti chinogona kuvadhurira.

Chikafu chemombe chekuCUT chinoita madhora ekuAmerica gumi nemana chinorema makirogiramu makumi maviri nemashanu chinodyiwa nemombe gumi pamwedzi.

Sangano re United Nations Food and Agriculture Organization, rinoti nyama yenguruve ndiyo inonyanyodyiwa pas rose ichisvika zvikamu makumi matatu nezvitanhau kubva muzana (36%) ichiteverwa nenehuku, madhadha nematoki nehanga neshiri (33%), kuchitiwo nyama yemombe ichidyiwa zvikamu makumi maviri nezvina kubva muzana (24%).

Nyama yemombe
Nyama yemombe

Zvikamu zvishanu kubva muzana, kana kuti 5 percent zvenyama inodyiwa pasi rose zvinobva munyama yembudzi nemakwayi.

Zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, kana kuti 60 percent zvenzvimbo inorimika kana kuti agricultural land pasi rose zvinonzi ndezvemafuro emombe dzinonzi dzinosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matanhatu, kana kuti 360 million, uye mbudzi nemakwayi zvinosvika mamiriyoni mazana matanhatu, kana kuti 600 million.

Bazi rezvekurima rinoti munyika mune mahekiteya mamiriyoni makumi matatu nemapfumbamwe kana kuti 39 million hectares, uye pamamiriyoni aya mamiriyoni makumi matatu nemana kana kuti 34 million hectares anoshandiswa nyaya dzekurima, anosara acho mamiriyoni matanhatu anochengeterwa mhuka dzesango, mafuro emombe, misha nezvimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG