Accessibility links

Breaking News

Varimi Vobatsirwa neZvinogwa zveHurumende kuMutsiridza Matanga eMombe Dzavo Dzakapera neZvirwere


Mombe dzakawanda dzakafa nezvirwere muZimbabwe.
Mombe dzakawanda dzakafa nezvirwere muZimbabwe.

Vamwe varimi mumatunhu akasiyanasiyana emunyika vanoti kuburikidza neruyamuro rwavari kuwana kubva kuhurumende vari kushingaira kuti vaedze kudzora matanga avo mushure mekufa kwemombe kwakanyanya mukati memakore matatu apfuura.

Vanhu vakawanda munyika vakafirwa nemombe zvakanyanya zvekuti vakawanda vavo vakatovhara matanga nekuda kwezvirwere zvakaita se theileriosis, chinozivikanwa nerekuti January Disease, babesiosis, heartwater, anaplasmosis, sweating sickness, nezvimwe.

Tsvakiridzo yakaitwa inoratidza kuti mombe dzinodarika chidimu chemiriyoni kana kuti 500 000 dzichikosha madhora ekuAmerica mamiriyoni zana nemakumi mashanu kana kuti US$150 million dzakafa mumakore matatu apfuura.

Kufa kwemombe dzakawanda kwakamanikidzawo varimi vakawanda kurima nechibhakera kana kuchera makomba, marimirio akafanana nechirongwa chiri kukurudzirwa nehurumende mazuvano chePfumvudza, icho chiri kupembedzwa nevamwe asi vamwe vachichishoropodza vachiti kudzosera nyika kumashure.

Danga remombe.
Danga remombe.


Pamusoro pekutenga mombe kune mamwe matunhu akasara achine mombe, vamwe varimi vanonzi vari kubatsirwawo kumutsiridza matanga avo nehurumende kuburikidza nezvirongwa zvakasiyanasiyana zvekudzoreredzera mombe zvakaita sechemutungamiri wenyika chekuti murimi anopiwa tsiru raanoti kana rabereka opawo mumwe murimi mhuru yaberekwa, chePresidential Heifer Pass-On Scheme, nekuberekesa mombe pasina mabhuru kana kuti Insemination.

Kune zvirongwawo zvakanangana nekuderedza kufa kwemombe dzichiurayiwa nezvikwekwe zvakaita sechePresidential Blitz Tick Program nezvimwe zvakasiyanasiyana.

Ukuwo, mamwe makambani akazvimirira neasri pasi pehurumende anonzi ari kubatanawo nemasangano evarimi mukumutsiridza matanga emombe.

Mumwe murimi akafirwa nemombe gumi nembiri gore rapera, VaAndrew Matapure vekwaZvimba, vanoti vave kurima nechibhakera vachiita zvekuchera makomba.

“Kubvira zvandakafirwa nemombe dzangu ndave kurima ndichichera makomba izvo zvinoita kuti ndisina ndima diki” VaMatapure vanotsanangura

VaMatapure vanoti havakwanise kurimisa netirakita sezvo zvichivadhurira asi vari kuedza kudzoreredza danga ravo.


“Kurima netirakita kuno

Kurima netarakita.
Kurima netarakita.

dhura zvakanyanya” VaMatapure vanodaro

Mumwe murimi weku Marondera mudunhu reMashonaland East, VaKufandiko Magaya, vakafirwa nemombe asi vari muchirongwa chehurumende chekuwanisa varimi mombe kuburikidza nekuti mombe dzibereke pasina mabhuru, kana kuti artificial insemination, vanopembedza chirongwa ichii.

“Chirongwa chehurumende chemombe chakatinakira zvikuru sezvo chave kuvandudza matanga edu” VaMagaya vanopembedza chirongwa chemombe

Mumwe wechidiki ari muchirongwa chehurumende chekuwanisa vechidiki mombe che Presidential Heifer Pass-On Scheme, VaTaurai Kapesa, vanoti zvirongwa izvi zvakanaka asi panofanirwa kugadziriswa dambudziko rakamboita kuti mombe dzife kuburikidza nekuwaniswa kwemishonga yekudhibhisa mombe.

“Chirongwa chakatinakira sevechidiki asi madhibha anofanirwa kuwaniswa mishonga kuti mombe dzisafe” VaKapesa vanoyambira

Sachigaro werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti zvakakosha kuderedza zvirwere zvemombe kuti mombe dziwande.

“Hurumende iri kushanda kuti mishonga iwanikwe sedanho rekuderedza zvikwekwe kuti mombe dzisafe”Amai Mayiwepi Jiti vanotsanangura

Mukuru wechirongwa chekuberekeswa kwemombe pasina mabhuru, icho chiri kutungamirwa nechikoro chepamusorosoro cheChinhoyi University of Technology, Muzvare Raviro Machabango vanoti chirongwa ichi chiri kutambirwa nevarimi uye chapararira nenyika yose.

Mukuru mubazi rezvekurima kudivi rezvipfuwo, Muzvinafundo Obert Jiri, vanoti donzvo rezvirongwa zvehurumende nderekuwedzera huwandu hwemombe.

“Chirongwa chekuwedzera huwandu hwemombe munyika chiri kufamba zvakanaka” Prof Jiri vanovimbisa.

Mombe dzakawanda dzakapera nezvirwere.
Mombe dzakawanda dzakapera nezvirwere.


Muzvinafundo Jiri vanoti pazvirongwa zvehurumende zvose murimi kana mugariwo zvake haangazoshaye chirongwa chinoenderana naye.

“Zvirongwa zvehurumende zvekuwedzera huwandu hwemombe zvakawana zvekuti munhu haangashaye zvinoenderana naye” Prof Jiri vanotsanangura

Mombe dzakakosha muhupenyu hwevanhu sezvo dzichirimiswa, dzichipa vanhu mukaka, dzichirooreswa, kuwanisa manyowa pamwe nekushandiswa mamwe mabasa, uyewo kutengeswa vanhu vachiwana mari yechikoro, pamwe nekuita mamwe mabasa epamusha akasiyanasiyana.

Mombe dzinowanisawo vanhu nyama uye hanana chinoraswa sezvo dehwe richigadziriswa zvakawanda zvinosanganisira shangu, mabhegi nengoma, mabhonzo nenyanga zvivhishandiswawo mune zvimwe.

Pari zvino munyika munonzi mune mombe dzinodarika mamiriyoni mashanu.

Tsvakiridzo yakaitwa nebazi reZimbabwe Resilience Building Fund inoratidza kuti zvikamu makumi mana kubva muzana, kana kuti 40 percent, vanowanawo raramo yavo kuburikidza nezvipfuwo zvinosanganisira mombe.

Kutengeswawo kwenyama yemombe munyika nekunze kunonzi kunopinzawo mari yakawanda zvikuru muhomwe yenyika pagore roga roga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG