Accessibility links

Breaking News

Kirinika yeChikwereti kuHurumende Kubva KuBritain Yoshandiswa Kutsvaga Rutsigiro naVaMnangagwa


Cowdray Park health service center
Cowdray Park health service center

Mutungamiri wenyik VaEmmerson Mnangawa nebato ravo reZanu-PF nezuro vari kunzi nevanopikisa vakashandisa kirinika yakavakwa nekambani yekuBritain nechikwereti chemari yenyika iyi kuhurumende kutsvaga rutsigiro.

VaMnangagwa vakaparura zviri pamutemo kirinina yeCawdray Park muBulawayo nezuro pamusangano webato ravo wekutsvaga rutsigiro uye vakapfeka hembe dzebato ravo zvisingatarisirwe pazvirongwa zvehurumende. Mutungamiri wenyika haana kutaura kuti kirinika iyi yainge yavakwa nemari yechikwereti kubva kuBritain.

Britain yakapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni mazana maviri kana kuti US$200 million kuvaka makirinika makumi matatu munyika. Zimbabwe yakapihwamo maambulance makumi mana neBritain.

Kambani yekuBritain ininzi NMS Infrastructure Limited ndiyo iri kuita basa iri uye kirinika yakadai yekutanga yakavakwa kuStoneridge kuBulawayo. Dzimwe nzvimbo dzichavakwa makirinika aya dzinosanganiosira Mataga Clinic kuMberengwa, Runyararo Clinic kuChimanimani.

VaMnangagwa vakavimbisawo kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehutano. Asi

Dr Henry Madzorera vakambove gurukota rezvehutano, variwo nhengo yebato rinopikisa reTriple C vati hapana chekuti hurumende ingazvirove dundundu nacho kunyanya munyaya dzezvehutano. Vati zvipatara hazvina vanachiremba, vakoti kana mishonga.

Panyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, VaMnangagwa, avo vakabva kumusangano kuRussia mazuva mashoma apfuura vati hurumende yavo inoramba ichiwirirana nenyika dzakabatsira Zimbabwe kuti iwane kuzvitonga.

Vati hurumende yavo haitsvagi kuvengana nedzimwe nyika asi vatiwo vakakoka vaongorori vesarudzo kubva kunyika dzemubatanidzwa weEuropean Union vakasiya nyika dzavasina kudoma nemazita dzavati dzinogara dzichitarisa Zimbabwe nemaziso asingaone chakanaka.

Asi vachitaurawo pane mumwe musangano kuChinhoyi svondo rino, mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vakati VaMnangagwa havafanire kuita kunge chimbwasungata cheRussia vachitsigira kupambwa kwayo Ukraine.

VaMnangagwa avo vari kuenderera mberi nekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzichaitwa mwedzi uno, vari kutarisirwa kuvhura chiteshi chemagetsi kuHwange neChina chino.

Vamwe vaongorori vezvematongerwo enyika vanoti vanoona pachaita makwikwi akasimba pakati paVaMnangagwa naVaNelson Chamisa veTriple C avo vari mushishiwo kutsvaga rudzigiro munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG